Hatidi njodzi kana tsaona

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

IGAROZIVA kuti nguva ino yezororo reKisimusi neGoredzva inguva yekufara, yekudya nekufamba nzendo apo veruzhinji vanoshanyira hama neshamwari dzavo.

Nekuti vakawanda vanenge vasingaende kumabasa, vanotora zororo rino semukana kuenda nzendo kuti vambonosasana nekufara nevamwe vavo.

Hapana chakashata!

Asi panguva ino ndipo panosangana vanhu vakawanda netsekwende nekuti mukufara imomo, vamwe havazive pekugumira.

Kana vari vatyairi vedzimota — kusanganisira dzinotakura veruzhinji — vanokanganwa kuti mumigwagwa mune mirawo inofanirwa kutevedzwa. Naizvozvo ndipo panoitika tsaona dzakawanda, dzimwe dzosiya vamwe vafa, vamwe varemara.

Zvose zvichibva pakusatevedza zvinodiwa pamugwagwa.

Chinongodiwa bedzi kufamba zvemandorokwati — kwete kuisa gumbo mutangi sezvinonzi muri pamujaho.

Tyaira mota yako uchicherechedzawo yemumwe ari kushandisa mugwagwa sewe. Humbimbindoga haudikanwe.

Vanomwe ndivo vanotyaira mushure mekumbotanga vanwa zvinodhaka sedoro. Uku ari kutyaira, uku doro riri pakati pemakumbo.

Bodo, izvi hazvidiwe pamugwagwa!

Kana wanwa zviri nani kupaka mota kana kutsvaga anokutyaira.

Vamwewo ndivo vanoti uku vari kushandisa dzinhare, uko motokari iri kurohwa. Kwete, pamugwagwa hapanzarwo!

Haungaite zvinhu zviviri kana zvitatu panguva imwe chete. Misa mota womboita zvenhare kana kupa mumwe foni iwe wotyaira.

Vamwewo ndivo vanofamba nzendo dzakarebesa vasina kumbozorora, voguma vave kukotsira vachityaira. Hapana chakaipa kufamba nzendo refu, asi iti fambe-fambe, wombozorora.

Mapurisa veZimbabwe Republic Police pamwe chete nevebazi reTraffic Safety Council of Zimbabwe vagara vachikurudzira veruzhinji kuti vafambe kunze kuchiri kuchena — kwete husiku.

Nekuti vanoona kuti tsaona dzakawanda dzinoitika husiku.

Saka veruzhinji fambai nenguva, kunze kuchakachena uye muchanyatsoona.

Kana ivo vanofamba netsoka vanofanirwa kuitawo pavo.

Fambai muri kudivi chairo remugwagwa uye kana kwadoka muchishandisa migwagwa, ona kuti makapfeka zvinoita kuti muonekwe nyore — sembatya chena kana dzinopenya.

Ikurudziro yedu kuti panguva ino apo kunoitika tsaona dzakawanda nekuda kwekuwandawo kunenge kwakaita mota nevanhu mumigwagwa, munhu wose atore danho rake kudzivirira njodzi.

Hatidi kuti vamwe vedu vazopedza zororo kana kupinda mugore idzva vakaputirwa nekusuwa nekuchema nechikonzero chekuti vanenge varasikirwa nevadikani vavo.
Tsaona dzemumigwagwa dzinodziviririka, iwe ita pako.

Vaya vari kufara vachidyira-dyira kudzimba kana kumichato hapana chakaipa. Ndiyoka nguva yacho.

Asi yeukaiwo kuti mafaro ose anofanirwa kunge aine mwero. Zviya zvekudya sezvinonzi hakuchisina mangwana ibvai mazvirega.

Nekuti vamwe vanozofuma vorwara — mari dzozoperera kuzvipatara vave kurapwa. Kudya kunongoda zvine mwero, kabira zvaunokwanisa kumedza kwete kuzodzipwa.

Ivai nezororo reKisimusi rakaputirwa nemufaro uye risina njodzi netsaona.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>