Huku yekubhadhara wadya inorwadza

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Unogona kumirira kudzoserwa chikwereti nekuti akakukwereta akakuudza musi waaizokupa mari yako, asi musi wacho pawakasvika hauna kuzomuona zvakare, uye kana ukafona haachadaira foni yake. Unogona kumirira kuti hurwere huri kukunetsa hupere.UMIRIRA kwakaoma. Kumirira kunorwadza. Unogona kumirira Zupco, asi robva rakusiya nekuti rauya rakazara. Unogona kumirira kupindurwa kwetsamba yawakanyorera basa, asi wotozviona kuti hapana chiri kubuda nekuti gore rinenge rave kutokwana wakamirira.

Zvakarewo, unogona kumirira kuti rudo rwako nemudiwa wako rwusvike pazuva remuchato.

Kumirira kunogona kukanganisa akamirira. Kumirira kunogona kufanana nekudhirikira kwemugodhi uchibva wasvibisa mvura yese.

Handizive chawakamirira, asi usamirire zvinhu zvinokusiya wave kuchema, kupopota kana kuti wazara ruvengo nekuti wakapedzerwa nguva.

Kana wakamirira, usamirire wakavhara maziso. Mumwe musikana wechidiki akandiudza kuti aneta nekutambisirwa nguva. Akandiudza kuti akambomirira mukomana wake kwemakore mana achiti achanzwa ave kutaura zvekuroora, asi zvaakanga akamirira zvakazouya riri shoko rekurambwa.

Chinorwadza nekurambwa ndechekuti unenge wafanana nemunhu anga ageza akapfeka hembe dzake dzekubuda nadzo, asi wasvika kumakombi wobva warasirwa doro remasese zvekuti unenge wave kuda kudzokera kumba kunogeza nekutsvaga dzimwe hembe dzakachena.

Vasikana vari kuchema nenyaya yevakomana vasiri kuda kuroora. Vakomanawo vari kuchema nevasikana vasingaite kuroora.

Asi chii chinopa vakomana kuti vazoti musikana wavadanana naye kwemakore mana vazongoti havachamuda? Ko sei vachizoona kuti musikana haaite kuroora ivo vambodanana naye kwemakore mana kana kudarika?

Zviri pachena kuti vakomana vakadai vanenge vachipa chikonzero chakachipa seZupco.

Naivowo vasikana vacho havachaziva chikonzero chinoroorerwa munhu.

Musikana wandiri kutaura nezvake uyu akarasiswa nemukomana waakanga atopa doro zvese nemasese. Saka unotarisira kuti akuremekedze nekukuda sei iye adya huku akatsenga nemabhonzo ayo?

Kana mukomana achikuda anofanira kukuremekedza nekukumirira.

Ndinoziva kuti unogona kunge uri kuseka kuti ndiri kutaura kuti pane zvinofanira kumbomiswa pamunenge makamirira kuti muroorane. Ikoko kutadza kumirira zvinofanira kumirirwa ndiko kunopa kuti vasikana varwadziswe.

Chinozoitika kana musikana anga achidanana nemukomana kwemakore mana asi ozorasiswa ndechekuti anozoda kuti mukomana waachadanana naye mushure meamurasisa akurumidze kumuroora.

Dambudziko riripo nderekuti mukomana mutsva waanenge awana uyu achatya kuti pressure yemusikana wangu yekuti ndibva ndamuroora after 4 months dzekudanana yawanda, zvekuti anogona kubva ati ngatisiyane.

Uri kuona here kuti kana izvi zvikaitika, musikana anenge afanana nechipepa chaimbove neshuga chinoramba chichiti chine shuga icho chazara mhepo?

Chiri kunetsa mazuva ano nenyaya dzekuroora nemuroorwa ndechekuti vashoma vachiri kukoshesa wanano sezvainofanira kunge iri. Vakomana vazhinji vave kusara voroora asi vaneta nechipfambi.

Zvimwe chetewo nevasikana, kungozovaverenga pavasikana, asi vazhinji dzinenge dzangove mvana.

Chinokonzera matambudziko aya inyaya yekusagona kumirira. Variko vakatanga kudhiraivha mota vasina zvitambi zvekudhiraivha, asi vanhu ivavo vanourayisa.

Pane chikonzero chazvakaitirwa kuti munhu atange averenga nekunzwisisa mitemo yemugwagwa asati azopihwa mota.

Zvimwe chete nemasoja, hakuna musoja akapinda chisoja achibva asvika nekupihwa pfuti. Pane zvakawanda zvinofanira kudzidzwa wakamirira kuzopihwa pfuti.

Zvakare haungopihwa pfuti, asi unototanga wadzidziswa mabatirwo nemashandiro epfuti yacho.

Ndinozviziva kuti kumirira kunorwadza. Kana Abhurahama chaiye akanonokerwa nekumirira mwana waakanga avimbiswa naMwari. Kuita zvisingabvumirwe hakuite kuti zvawakamirira zvikurumidze.

Ndidye ndidye akadya zvimbishi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>