Hwedza ndinhasi . . .

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
KUNE vadiki vedu, zvakanaka kuti vazivewo mamwe mazwi asingagarotaurwa nguva zhinji, asi anotaurwa nenguva iri kure pane dzimwe nguva kana nguva dzaminama, paita musandu kana kushaikwa kwawo.

Naizvozvo zvakanaka kuti vadiki vazive kuti nguva haimirire munhu. Zvichida isu vakuru takatadza kushandisa nguva yacho tikapinza misha, makambani kana matunhu edu mungozi.

Munhu ndiye anofanira kuita zvinhu zvake nenguva.

Ndizvo zvinotaurwa nevakuru kuti mangwana ndinhasi, nokudaro hapana chatinombomirira tichiti tichaita mangwana nokuti mangwana ndiye nhasi wakare.

Ngatitore mukana wekuita zvinhu zvedu nguva ichiripo. Tikadaro tinofamba mberi kwenguva.

Nguva ikatisiya hapana patichaibata nokuti nguva haifanire kutungamira mberi kwedu, haizobatika zvakare.

Vazhinji vanodemba kuti dai ndakaziva dai ndakadai ndikadai, asi kwangova kuchema chete. Zvichida tikagona kudzidzisa vana vedu kumhanya nenguva zvingazovabatsirawo. Kazhinji kacho vanozoyeuka bako vanaiwa.

Kana wanaiwa hapasisina chekuita nokuti watota kare, chingabatsire chete kukupa mutenha kuti udziirwe, udzikame, asi nguva yekuyeuka bako yatopfuura kare.

Vakawanda vedu takatonaiwa kare izvozvi mudzimba dzedu, makambani nemitunhu yedu. Tinoyeva vamwe vakafambidzana nenguva.

Vamwe vanoti dzikama kani, ko unomhanyireyi kudaro? Asi zvinoda kuitwa zvakawanda, kana tikawota hapana chinobuda, kana tikamirira mangwana tinowana zviwanikwa zvese zvapedzwa nevamwe.

Zviri nani tiite zvamangwana nhasi. Ngatigadzirise hukama hwakanaka nevamwe nhasi, nokuti nhasi ndiri kuwana, ndiri pabasa mumwe haasi, nhasi ndiri mukurumukuru pabasa, vamwe havasati vanyanyokura pabasa asi nguva imhindupindu, inotenderera sevhiri.

Wawaitungamira unozomuona ave kukutungamira pabasa. Uchazvifambisa sei kana waimubata marengeny’a?

Vangani vedu vataidira madhaka tiri mumotokari dzedu paivange vachine man’a vachifamba netsoka, asi nhasi vave nedanga remotokari dzavowo? Iwe yako yave zumbu rehuku wave kutomisawo mototokari dzevamwe. Mangwana ndinhasi, aiva madziva ava mazambuko, musambo wasanduka.

CHENJEDZO:

Hapana basa pasi pano risingapere, hapana chinhu chinobhururuka chisingamhare, hapana ruva risingasvave, vana mbuya vanhasi vaive vasikana vaiwanikwa neatanga, vanasekeuru vanhasi vaive majaya aikwikwidza pamitambo.

Nokudaro vakuru vanodaro vachititsiudza isu nhasi tine simba kuti ngatiite hukama hwakanaka nevamwe, ngatigadzirire ramangwana redu nguva ichiripo kuti tisazoshamiswa mangwana.

Mangwana haatane kusvika. Achasvika uchiverengera kuti ndichada izvi neizvi, iwe usingazviite nhasi.

Ko mangwana acho anosvika uri papi?

Zvingani zvatakanonokera muupenyu hwedu? Pamwe musikana chaiye wakamunonokera uchiti ndichamuudza chete, wanike atove mudzimai wemumwe.

Ndizvo zvimwe chetezvo mumisha yedu, mumakambani nemumitunhu yedu tinononokera zvinhu tochembera pasina zvataita.

Dare rino rinotikurudzira kuti tifambidzane nenguva tisasaririre shure semuswe mukubata kwedu kwose.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links