Hwiza kusimudzira huku chibhakera

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
HANDIDI kurodzwa sepenzura kuti ndinyoreswe huipi. Kunyoreswa pamadziro vamwe vachinyoreswa mubhuku.

Handidi kurodzwa sepenzura kuti ndive nemuromo unobaya kuti ndiburitse ropa nemisodzi. Kukuvadza nekuuraya nemashoko. Handidi kuti ndiitiswe naSatani mumazuva ano emadhora ekuAmerica ari kudhura kudarika tsika nehunhu.

Handidi kuunganirwa nevanhu ndichivaudza zvemaRTGS nemaBond Notes nekuti chikwama changu hachichaziva mari asi ini ndichitadza kana kurima muriwo chaiwo paseri pemba. Kumwe kushaya kunobva pakushaya mano kwendiro inopakurirwa isina kusukwa.

Musango remashoko enhau nemakuhwa, mharidzo nenziyo dzemagadheni ndinomboda kudzima noise yenyika. Musango remashoko anodonha kunge nhoko, ndinomboda kutiza vamwe vanhu nekuti vanoziva zvese, uye vanotaura nekutsanangura ukasara wave murima iro zuva rakacheka nyika.

Ariko  mamwe mashoko anouya pafoni achiita zvekuti zhi kunge saga, zvekuti ukasangwarira anokutsitsirira. Mamwe anouya achirudunuka sebhobhini reshinda zvekuti kana ukangobvuma kuabata chete, wapindana nacho.

Mamwewo anouya achitsvaga kuti kana waawana ugoapfuudza kune vamwe. Asi ini handidi kushandiswa nevanhu vane hurongwa hwavo vari kwavanogara mupfungwa dzinoyerera suweji.

Inopenga imbwa inohukura shiri iri kubhururuka. Shiri iri mudenga haidonhedzwe nekuhukura kwembwa. Munguva dzekugashira zvinyadzi, nguva dzekuti kkkkkk kuseka, kufowadha mashoko, maAudio, maVideo nemapikicha uri kudzidziswa nekudzidzisa chii?

Takazvarwa tiri nyoka dzinoruma. Takazvarwa tiri nyoka dzinotsvedza, dzine hasha nekunyengera. Asi kana uri nyoka, unodirei kuti nevamwe vasiri nyoka vafanane newe?

Nyoka yakanakira vanoziva zvekuita nayo, kwete munhu wese. Kana wadhakwa, sei uchitsvaga mbiri mukuonererwa? Chii chinokupa kufarisa kuti urove Mwari marambakutya? Iwe hwiza kusimudzira huku chibhakera?

Tiri kutevera vanhu kudarika Mwari. Kutevera vanhu paSoshomedia, kutevera vanhu mumachechi anounza makofini muchechi. Jesu haana here kuti regai vakafa vavigane?

Tiri kuteverera mari kudarika Mwari. Tiri kurumbidza magafa akafa. Tiri kufadzwa nemagate anovhura magedhi enzenza dzinopfeka kunge tsenza dzakaparwa. Ndinozviziva kuti unozviziva kuti uri kupoya, asi haudi kudzoka. Ndinozviziva kuti nyangwe paunenge wakonzeresa, haubvume kuti watadza, asi unopindura zvawakaudzwa naShaggy kuti, “It wasn’t me.”

Ndakazviona kuti unotsvaga nziyo nevaimbi vanokusimbisa, vachikukuchidzira nekukurudzira kuti ufe saivo. Asi chandinoziva ndechekuti zvevanhu zvinopera sekupera kwakangoita zvaikunakidzai gore rakapera.

Makatevedzera vakomana vachiti, “Takazvarwa takangodaro,” asika, nyangwe makazvarwa makangodaro, muchangozorara muguva makangodaro.

Nemi vasikana muchipfeka zvekuti muonekwe asi muchawoneka nyika. Munonyeperwa kuti “life is short.” Asi chokwadi ndechekuti life is forever kana uina Jesu. Life is short kana uri mudenga semureza. Life is short kana uri mudzanga wefodya uri kutsva.

Mhepo inokuendesa uko nekoko sekanjiva, asi mukuenda ikoko, kana apo neapo, unenge uchibvaruka nekurudunuka. Pauchada kuti ndiri mureza ndikwidziridzei semabhurugwa evakomana vanopfeka hobho mukati, uchaona kuti unenge wave rengeny’a, mvemve risingaite kana kukorobhesa.

Handizive kuti kana ave manheru wave kurara, paye usati wabatwa nehope, unombotorawo kuti ufunge pamusoro pehupenyu here? Chii chiri kutonga muhupenyu hwako? Jesu akati munhu wese anotadza muranda wechivi.

Kana ukazowana nguva yekufunga, ndiri kukumbira kuti ugozopawo Jesu chanzi. Kurasika hakushamise nekuti ndicho chikonzero chinoita kuti izwi rekuti kurasika rivepo. Asi kuwana nzira kunozorodza. Jesu ndiye nzira, chokwadi nehupenyu.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG