Idai mari yenyu, kwete yevamwe

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Idai mari yenyu, kwete yevamwe

Kwayedza

NYAYA yevamwe vezvitoro nevemabhizimisi vari kuramba kutambira mari yemuno yakanzi “Bond Note” angave ma$2 kana $5 yanetsa zvikuru zvisinei nekuti bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) rinoti mari yose iyi ichiri kushanda.

Kune vamwe vemabhizimisi zvakare vari kuramba kutambira mari yemusvo (coins) yema$1 nema$0,50c.

Izvi zviri kuita kuti veruzhinji vaomerwe nekuti havana imwe mari kunze kweiri kurambwa iyi.

Mari iyi yakatanga kurambwa masvondo adarika zvichitevera mashoko emanyepo aifambiswa nedzimwe nhubu pamadandemutande anosanganisira WhatsApp ekuti haichashanda kana kuti yave mazuda.

Izvi zvakaita kuti RBZ izivise nyika kuti mari iyi ichiri kushanda uye imhosva kuramba kuitambira kana munhu achida kuishandisa kutenga zvinhu zvakasiyana.

Kusvika pari zvino kune vashandi vemabhizimisi akasiyana vashanu vakatosungwa uye ndokumiswa mumatare edzimhosva mushure mekunge varamba kutambira mari iyi.

Vashanu ava vari kutongwa nemhosva yekutyora mutemo weBank Use Promotion and Suppression of Money Laundering Act.

Kune vamwe zvakare vanamuzvinhabhizimisi vakazvimirira, zvikuru vezvitoro zvinotengesa magirosari, vari kuti kana munhu achida kutenga nemari yakanzi “Bond Note” vanomuchaja mari yakawanda.

Semuenzaniso, chinhu chinenge chichiita $20, munhu anonzi awedzere imwe $5 zvinoreva kuti mutengo wacho unenge wave $25.

Uku kubirana kuri pachena.

Sekutaura kwevakuru veRBZ, veruzhinji vanofanirwa kumhan’arira vanamuzvinhabhizimisi vari kuita katsika kekuramba mari yakanzi iyi.

Dambudziko iri rasvika kunyangwe kumisika inotengeswa muriwo nematomatisi uko vamwe vari kuramba kutambira mari iyi zvakare.

Zvinotoshamisa kuona vanhu vachiramba mari yemunyika yavo.

Mamwe ematambudziko akadai vanhu vari kungozvigokera voga nekuti zvakangofanana nekuzvisikira moto muziso.

Hurumende pari zvino iri mushishi yekuvandudza upfumi hwenyika, kusanganisira chikamu chezvemari nekudaro inobudirira bedzi kana veruzhinji vakatsigira matanho ari kutorwa aya.

Mari yemuno inotopihwa hukoshi nevanhu vemunyika muno kwete kuitarisira pasi kana kuizvidza.

Kune dzimwe nyika sekuChina, vanhu veko vanodada nemari yavo uye kana ukada kutenga chinhu kuzvitoro zveko uchishandisa US$ vanoramba vokuudza kuti enda kubhanga unochinjisa wopihwa mari yeko.

Zvakakosha kuti vanhu vemuZimbabwe vadade nemari yavo uye vave nechivimbo nayo kwete kuzvinyengedza nemari yekunze inotsvedza sehove vasingafungiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>