Imbwa haihukure sadza: Chigure hachirare chakapfeka mask

12 Mar, 2020 - 14:03 0 Views

Kwayedza

NaIgnatius Mabasa

Kana pakaita shumba iri kutenderera munzvimbo yaunogara, vanhu vemunzvimbo iyoyo havarambe vachiita zvinhu semazuva ese. Zvidhakwa zvinokurumidza kusvika kumba, uye vanhu vanenge vasisangofamba zvisina musoro.

Chavanenge vachitya zvinhu zviviri — shumba nekufa. Pane kufa kunorwadza vapenyu, nekumwe kufa kunotyisa vapenyu. Kufirwa nemwana ane makore 13 kunorwadza. Kufirwa nemunhu anga ane hutano, nemari, nemota shanu, nedzimba nemabhizinesi zvakawanda kunotyisa. Kunotyisa sekufa kwakaita mumwe murume kuMexico akati achiraura nevamwe vake, achibva ashama nyai. Paakashama nyai ipapo, hove ndokusvetuka mumvura ichinopinda mukanwa make kumberi-mberi kunomedza ichibva yamudzipa akafa.

Kubva musi wa19 February pandakagashira shoko rerufu rwemwana wemuzukuru wangu kusvika nhasi, ndafirwa nevamwe vanhu vashanu. Rufu runoda kupa vanhu nguva yekuzorora. Kana rufu rwaramba rwuchigogodza pamusiwo wako, unorara uchirota wafa. Rufu runorwadza, runopusisa nekuba rugare nemufaro. Rufu runonetesa. Pavanhu vashanu vandakafirwa navo, vatatu vakanga varwara kwenguva refu, asi vaviri vakangorwara kwekanguva kadiki. Mumwe akarwara kwemazuva maviri, mumwe kwesvondo.

Chinhu chinonetsa kurasikirwa nehama. Tinosara tiine mibvunzo yakawanda. Sei afa? Nguva yake yekufa yanga yakwana here? Ko iko kwaaenda uku achange achitiona here? Ko isu vasara tasara nemazuva mangani tiri pano panyika? Takagadzirira kufa here? Rufu rwedu haruzotityisa here?

Zvakanzi nemuparidzi weshoko panhamo, kufirwa kwakafanana nekukwidza hama yako bhazi. Kana munhu achinge akwira bhazi, muchariona richisimuka. Pamwe muchasimudzirana maoko muchiwonekana. Imi makwidza hama yenyu bhazi muchasara makamira, makatarisa bhazi richienda nehama yenyu. Mucharamba makatarisa bhazi riye richienda. Richatanga kuita kanhu kadiki, kusvika rave kadodzi, robva ranyangarika. Kuita kadodzi nekuzonyangarika kwebhazi hakureve kuti bhazi nehama yenyu yamakwidza havasisipo. Hongu havasisiri pamuri, asi mubhazi ravakwira vanenge vakatogara vachitarisa kuri kuenda bhazi.

Kubva pamuri kwehama yenyu kunoreva kuti pane kumwe kwaari kuenda. Imi pamuri kuti hamuchamuona, kwaari kuenda ikoko kune vakamugarira.

Vari ikoko vanenge vachiona kadodzi kubhazi kachikura parinenge richiswederawo kwavari. Kusuwa kwenyu imi makwidza hama yenyu bhazi, kunove mufaro wevari kuona bhazi richisvika naye.

Nesuwo patinosimudzira ruoko hama yedu yakwira bhazi, ngatizive kuti kune vamwe vanongoti bhazi richisimuka, naivo vobva vatofuratira vachidzokera kumba. Havapedze nguva yavo vachiyeva bhazi richienda kusvika risisaonekwe. Sei tichiperekedza vari kuenda? Tinoperekedza vari kuenda senzira yekuratidza rudo kwavari. Imbopafunga kuti kana washanyira munhu, woti “Ndave kuenda, mabhazi ekwedu anokurumidza kubuda.”

Munhu wawashanyira obva ati, “Iri bho.” Adaro obva atanga kubaya-baya foni yake. Kana ukaitirwa zvakadaro haufambe nemufaro. Kana paunosvika kwauri kuenda unenge uchiti dai ndakanganwa zvandakaitirwa.

Rufu kufamba rwendo. Rufu kuenda kunozorora. Asi kana rufu kuri kufamba rwendo, tine vari kunotigashira here kwatiri kuenda? Takagadzirira here kunotanga hupenyu hutsva tisingatsve asi munyika itsva yakanzi naJesu, “kumba kwaBaba vangu kune dzimba zhinji dzekugara?”

Handizive, asi muimbi akati, “Zvibvunze ugere ipapo kuti kana ukafa uchaendepi? Hakuna chigure chinokanganwa kubvisa mask kana chave kudzokera kumba.

Ignatius T. Mabasa munyori wemabhuku nasarungano. Anodzidzisa paUniversity yeZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>