IMBWA HAIHUKURE SADZA: Tinonokecha ikoko!

09 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Tinonokecha ikoko!

Kwayedza

NDANGA ndakarasika zvangu kunge bepa remaputi adyiwa nechapa ikarirasa nepahwindo rekombi kuti rinopepereke richinosvibisa nyika. Bepa iroro rinodzungaira nekunyangadza kunge munhu arirasa wacho nekuti anoziva kuti marara anoiswa mubhini kana dzimwe nzvimbo dzinorasirwa marara, asi orega kudaro.

Ko ini ndaizivei kuti panenge pane iri kutotambika? Ndakanga ndaenda kurufu, pachibva pasvikawo mumwe mukadzi wechidiki aive nechipfuva chakachenama kunge nyama iri mubhucha, uye chichikwazisa vanhu vese zvavo.

Paakasvika parufu, vanhu vese vakanyarara kuti zii. Mukadzi uye akabva atanga kubata mawoko. Asi isu varume takanga takagara panze takashaya remuromo nekuti pakutibata mawoko, mazamu emukadzi uyu akanga achibva auya kumeso kwevanhu. Pakupedzisira, mazamu aye akazopotsa apoya zvekuti muridzi wawo akabva ambomira zvekubata mawoko, ave kuadzosera mukati.

Mukadzi uyu akazopedzisa kubata mawoko rumwe ruwoko rwake rwakavhara mazamu aida kupoya panze. Paakazopedza kubata mawoko, mukadzi uyu akanga afizuka. Tudikita twakanga zvino twave kuyerera.

Paakazoswetaira achipinda mumba maive nevakadzi, isu varume takanga tiri panze takasara tongozungudza misoro kunge mombe dzabuda mudhibhi. Mumwe murume wechipositori aive nendebvu dzinenge triangle nemuparavara unenge girazi akapika namai vake vakafa akati, “Ini handiroore zvakadai. Zviri nani kugara zvangu ndega.”

Mukadzi uye paakapinda mukati maive nevamwe vakadzi, akatozopihwa chimucheka chekufukidza chipfuva chake chakanga chave kungotariswa nevamwe vakadzi. Handizive kuti ndiyo fashoni here kana kuti chatove chirwere. Asi kumwe kupfeka kwave kuita vakadzi hakuchareva chinhu. Ichokwadi kuti miviri ndeyavo, asi miviri iyi haifambe yega, haigare munyika isina vamwe vanhu. Hunhu, kuzvibata nekuzvidzora kunongodiwawo.

Asika, ndakazoudzwawo nemumwe mudzimai wechidiki kuti zvandakanga ndichitaura zvaive zvakanaka, asi pane chandakanga ndisiri kuziva.

Ndakatya, uye nazvino ndiri kuzvibvunza kuti tichiri vanhu here kana kuti tave zvidhori zvemumashopu zvekuti nyangwe ukachiona chisina kupfeka unongozivawo kuti hachinyare nekuti chidhori.

Ndakaudzwa kuti vanhu vanoenda kunhamo vakapfeka mupfekero wekupenga sewandakaona uyu, vanhu vanonyatsoziva zvavari kuita. Zvanzi vavhimi, uye vanototaura kuti kwakaungana vanhu – kungave kunhamo, kumuchato, kunyaradzo, kuchechi kana kuparty – tinonokecha ikoko.

Ichokwadi kuti iko zvino ndave kuzviona kuti zvinotovashandira. Patakanga tiri kunhamo kwakauya mukadzi wekushambadza mazamu ake uyu, vanhu vakapedzisira vakanganwa kuti vari panhamo. Vakanga vave kungotaura nezvemukadzi iyeye kudarika mufi. Nyangwe zvazvo vazhinji vakanga vakashatirwa nenyaya yekuti akanga asiri kuremekedza mufi nevanhu vari kuchema, kune vamwe vakange votaura zvinoratidza kufarira zvinhu zvakanga zvichishambadzwa namai ava.

Ndipo paye panouya pfungwa sedzakanyorwa naCharles Mungoshi muna Ndiko Kupindana Kwemazuva achiti, Rex akanga onzwa imwe pfungwa yaiti Maggie anoda kumboonekwa ari ega, pasina Rindai. Chirauro chaMaggie chakanga chakecha!

Saka kana vanhu tichinge tazungurwa hunhu hwedu kudai, chatinosara nacho chii? Zviri pachena kuti hembe dzave kushandiswa kukanda shoko rerudo kuvarume, nyangwe zvazvo madzimai anomirira kodzero dzevakadzi achipenga kuti maonero akadai akarasika.

Asika, chakanaka, chakanaka, imbwa haihukure sadza. Kana vakadzi vachiti, “Tinonokecha ikoko, nyangwe kurufu,” tichishandisa miviri yedu, ko kuremekedza afa nevafirwa kuri kupi? Ko Mwari havana here kuti iyo miviri yedu iyi itembere yavo?

Share This:

Sponsored Links