Itawo rako bhindauko

06 May, 2021 - 12:05 0 Views
Itawo rako bhindauko Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

Wedzerai Nhemachena

TIRI mumwaka wevashandi kudai, dare rino raona zvakakodzera kuti tikurukure nezvemabatirwo evashandi senhapwa, zvinoomera vashandi nekuona kuti vangaite sei kuti vagone kuchengeta mhuri dzavo.

Nhapwa munhu anoshandira mumwe nesimba rake rose asi iye asingapihwe mubairo wekushanda kwaaita. Izvi zvinoonekwa kazhinji nemagariro evaviri ava vanoti mushandirwi nemushandi. Mushandi anopihwa mugove usingakwane kutenga chikafu pamwedzi, asi muzvinakambani achiita chekurasa.
Izvi zvinoreva kuti upenyu hwemushandi hunenge hwakaoma. Vana vanogona kusaenda kuchikoro asi vana vamuzvinakambani vachitoenda kunodzidza kunze kwenyika nekutengerwa motokari dzinodhura nembatya dzemutupo dzinopfekwa kamwe chete dzosiiwa.

Vashandi vanogona kurara mumba imwe chete nevana vavo, vachisimira mbatya dzemubhero, asi muzvinakambani achiita dzimba gumi dzekurara iye aine vana vaviri.

Saka dare rino rinoda kungwadza mushandi kuti asarambe akati pfavava akatarisana nekushandiswa asi kuti ngaaitewo mabhindauko anoita kuti upenyu hwake hushanduke.

Hongu, tinotenda muzvinakambani kutipa pekutangira. Munhu wese akabudirira anotombotangawo naipapa pekushandira mumwe. Asi anozoona kuti simba raari kupa muzvinakambani rakawandisa pane mugove waari kupihwa. Iwe mushandi usarare nezamu mukanwa. Ita mhindupindu dzinoenderana nehunyanzvi hwako kwete hwanhingi. Ukatevedzera zvehunyanzvi hwako haurwadziwe nendima yaunenge wave kufamba nayo nokuti unenge uchiita bhizimusi raunofarira kana mubato wemaoko ako.
Vazhinji vanotarisa kuti muvakidzani wake ari kumhanya nei mazuva ano, iye wotevedzerawo asi asingazive kuti uyu azviitireyi. Chikuru kana uchida kutangisa bhizimusi zvinoda kunge waita tsvakurudzo kuti chiiko chiri kumboshaikwa neruzhinji munharaunda. Kana waziva izvi, zvinokubatsira kuti uone kukura kwakaita vanoda kutenga zvinhu zvaunoda kutengesa.

Ukaita chindoenda kutevedzera vamwe ucharwadziwa mangwana zvinhu zvako zvashaya anotenga nokuti zvawandisa kana kuti hazvichadiwa kumusika. Tsvakurudzo inoda zvakare kuti uzive kuti musika ucharamba uchida zvinhu zvako kwenguva yakareba sei. Izvi zvinokubatsira kuti uzive huwandu hwezvinhu zvauchagadzira kana kuhodha.

CHENJEDZO:
Mazuva haatane kumhanya hama mushandiwee. Nguva yekuti urege basa nekukura kana kudzingwa ikakusvikira usina kugadzirira zvichakudya mwoyo nekupinza hurwere mumuviri wako. Vamwe vanoti tichadya mudyandigere, asi zvemudyandigere zvaive zvekare. Mudyandigere wemazuva ano haukwane kukwira bhazi nekudzoka kubva kurukisheni kusvika mudhorobha. Ukasachenjera, unodzokako netsoka! Akubayira zanhi ndewako.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:[email protected].

Share This:

Sponsored Links