Iwe idya unyerere

07 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Iwe idya unyerere Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

PADARE rino tinosangana nedzakawanda, dzimwe dzacho tisu tinokonzeresa. Funga kuti munhu agere zvake zvakanaka, mumusha, mudunhu kana mukambani maanoshanda asi oshora vaanogara navo, kana vaanoshanda navo vachimupa hugaro hwakana hwaaisawana.

Vazhinji vanogarika zvekuridza ngoma nedemo. Vamwe vacho vanokanganwa kwavakabva. Vanoyeverwa sokunge vakabva nezvinhu zvavanowana pamusha, padunhu kana pakambani kumusha kwavo vachikanganwa kuti vaichemera kuchengetwa pazvaive zvakaoma.

Ndizvo zvinoita kurera imbwa nemukaka nokuti mangwana inofumokuruma. Vanorongera vepo dhende chairo kunge vachavadzinga pamusha pavo nekukanganwa chazuro nehope. Dai vaiziva, vaidya vakanyarara zvavo.

Kudya muchinyararire kunonetsa kana waraira zvinhu zvausina kubudira dikita kazhinji kana wakahakira paugere ipapo, paunoshanda ipapo nokuti hauzive kwazvakatangira. Chako ndechekunetsana nevamwe kuti iwe wega usare uripo pangava pakambani. Unoda kuti zviende kwaunoda iwe nokuti unorota hope wava mukukuru. Unoda kupaza zvakavakwa nevamwe uchivimba nepawakahakira.

Asi dai waiziva hako waidya muchinyararire.

Vaya vawakahakira vakaona hunhu hwako hwekutsvaga dzvene, vachasuduruka pauri nokuti unenge wanyangira yaona ukashaya anokutsigira nokuti munhu wese pamusha anenge oziva maitiro ako. Nokudaro kusuduruka pauri vanenge votyawo kunyadziswa.

Kupihwa zita rekuti nhunzvatunzva handi kudiwa kwete. Izita revaya vanokonzeresa mhirizhonga mumusha, mudunhu kana mukambani. Kungosvika chete kwaunoita mumusha, musha wese unozunguzika kuti kwauyiwa, nhaka hakuna chakanaka. Zvino, chakanaka chichazobudawo rinhi pauri?
Gutsikana nezvauri, nokuti vadare vanogona kuzokurongera.

CHENJEDZO:
Vazhinji vedu tinounza mhirizhonga mumisha kana mumakambani atinoshandira tichifunga kuti tisu tine yese. Mukudaro tinopedzisira tisina zvataita kunze kwekupesanisa vatinogara kana kushanda navo. Upenyu hwakanaka haubude mukurwisana mumusha. Tikarwisana hatizowana nguva yekuvaka tichifunga kuti todzorerawo sei zvataitwa nanhingi.

Naizvozvo, kunyarara uchivaka kunounza pundutso zvikuru kana tiri vakuru vemumisha, matunhu kana makambani. Izvi zvinoita kuti tidye zvedu muchinyararire. Vane mhepo dzavo dziya dzekuhakira pane vamwe, vachaonawo chakanaka matiri nerimwe zuva vagodzidzawo kudya vakanyarara.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772428809 Email: [email protected]

Share This:

Sponsored Links