Kana ukafa unoendepi?

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
MUSHURE mekunge mukuwasha wangu afa achiita sekuti ane vanhu vakanga vachimurambidza kupinda kune imwe nzvimbo yaaida kuenda, hatizive zvakazoitika. Asi nyangwe akanga ave kufa, akanetsana nevanhu vatakanga tisingaone ava achiti, “Ibvai ndipinde.”

Zvakaitika kwaari zvakandisvitsa panyaya yekasikana kakafa, kakatorwa nemumwe murume. Kasikana aka kakati:

Murume uye akati, “Ndiwe mwana wandatumwa kuzotora. Unofanirwa kuenda neni,” rima rakatanga kutaramuka.

Takafamba tese kusvika tasvika pakagedhi kaive pamudhuri. Murume uye akabva apinda, achibva anditi ndimbomira zvishoma. Ndakamira kwemaminetsi anenge manomwe. Ndakabva ndaona hembe dzake. Dzaisvika kutsoka chaiko, uye dzakanga dzakachena, dzichipenya.

Akauya akapfugama achinamata. Munamato waakaita hauna kufanana neminamato yedu pano pasi. Apedza kunamata, akabva ati, “Handei.”

Ndakapinda nepakagedhi kaye kaive pamudhuri. Kwaive nechiyedza chakanyanya. Takafamba nekanzira kadiki kakanotisvitsa mumugwagwa mukuru wakafara. Akabva ati, “Iyi inzira yekuGehena. Asi usatye zvako nekuti hausi kunosara ikoko.”

Kwaiperera mugwagwa mukuru uyu, kwakanga kwakamira mumwe murume aive akapfekawo zvichena zvichisvika pasi. Hapana aikwanisa kupinda kana kubuda asingazvizive; asi akanga asina kiyi. Murume wandakanga ndinaye ndiye aive nekiyi. Akabva avhura musiwo, tichibva tapinda tese mukati.Kwechinguva takafamba tisingambotsauka; asi takazongoerekana tatsaukira kuruboshwe, ndokudzika gomo rakareba kwazvo, uye riine mawere anotyisa. Ndakatambura nekunhuhwa nehutsi hwekutsva. Ndakaona vanhu vazhinji kwazvo vaiita kunge vakasungirirwa. Vaichema nekukuyanisa mazino avo.

Murume uye akanditi, zvivi zvavaifarira ndizvo zvave kuvatambudza iko zvino. Ndakaona vazhinji kwazvo vakanga vachisimuka nekutuka Mwari, pamwe chete nekusvipirana.

Vazhinji vavo vaigadzira mabhora emoto vachitemana nawo. Ndakaonawo vazhinji vakanga vaine makapu emoto avainwa nawo marimi emoto. Vamwe vakanga vakabata makasa emoto mumawoko avo, uye vachiita kunge vari kutamba nawo.

Takagara munzvimbo iyi kwenguva inenge chidimbu cheawa. Murume aifamba neni achibva ati, “Handei ndinokuratidza nzvimbo yakanakisisa.”

Ndakafamba naye kusvika tasvika mukanzira kadiki kaye kakanga kasingaite kuti tifambe mumwe ari parutivi rwemumwe. Nzira iyi yakatisvitsa munzvimbo yakatambanuka zvikuru; ndikaona gedhi redenga rakavhurika. Raive richipenya zvikuru zvekuti handina kukwanisa kuramba ndakaritarisa.

Takabva tapinda mukati, tikafamba munzvimbo yakakura kwazvo. Imomo ndakaona vatsvene nevatumwa nezvinhu zvakanakisisa zvakawandisa. Vanhu vaive munzvimbo iyi vaive vakareba zvakafanana, uye vaiti kana mumwe wavo akanamata, vese vaibva vanamata. Kana mumwe akaimba, vese vaiimba. Vaiimba zvakafanana nemazwi anotsvedzerera uye achienderana pasina kana rimwe rinokwira kana kudzika kudarika mamwe.

Takapinda munzvimbo iyi ndikaona Mwari vakagara pachigaro chavo chehushe. Chaive chigaro chechiyedza chinopenya kudarika zuva. Handina kukwanisa kuramba ndakachitarisa. Ndakaona zvigaro zvitatu, asi zviri chigaro chimwe chete. Muponesi wedu akanga akabata chinyoreso muruwoko rwake.

Kurudyi kwake kwaive nezibhuku guru; kuruboshwe kuine rimwe zvakare, uye rimwe bhuku riri padivi nechekumashure kwake. Mubhuku rekutanga ainyora minamato nemabasa akanaka evanhu vake; mune rechipiri, ainyora zvituko nemabasa ese evanhu vakaipa.

Ndakaona kuti anoona zvese zviri kuitika pasi nekumatenga kwese nekungotarisa kamwe chete. Anoona zvese zviri pasi nekudenga nguva imwe chete nekungotarisa kamwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>