Kudya mabvisvo ane kirimu

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
TAKAKURA tichitya vanhu vakuru. Taitya vanhu vakuru kwete nekuti vairova, asi nekuti maonero avo aipesana needu. Zvataida, hazvisizvo zvaidiwa nevakuru. Pataida kutambira, hapasipo paidiwa nevakuru.

Kana shuga yataifarira kudya, vakuru vakanga vasingatibvumire kuti tiidye. Shuga yaive yekuisa mutii, mumahewu kana muporiji. Yakanga isingaiswe mutii nesu vana, asi yaiiswa nevanhu vakuru.

Mazuva ano vana vave nerombo rekuita zvinhu zvizhinji zvakanga zvisingabvumirwe tichikura. Asi isu tairambidzwa kuisa shuga tega mutii kana muporiji nekuti takanga tisingazive bhajeti. Chataiziva kwaive kutevedza kunaka kweshuga. Saka kubvumira mwana kuzviisira shuga, aigona kuisa hafu yechigaba cheshuga.

Takakura tichitya vakuru nekuti taiziva kuti zvinhu zvisina musoro vakanga vasingazvide. Vakuru vaikubvunza, vaikutsiura, vaikuranga kana kukunyadzisa. Mazuva ano vadiki vacho ndivo vatove kutyisa.

Kutya vakuru kwataiita kare kwaibatsira kuti vadiki vazive kuti haungomuka uchiita zvaunoda. Vaiti kana vataura, zvavareva ndizvozvo. Zvakanga zvakasiyana nemazuva ano ekuti mukuru akataura, vadiki vanobva vapindura vachipawo maonero avo nyangwe vasina ruzivo serwevakuru vari kuvatsiura.

Ipapo ndipo paizobva tsumo dzinenge, “Miromo yevakuru haiwire pasi,” “Mukuru mukuru hanga haigare pfunde.”

Kutya vakuru kwedu kwaibatsira isusu vechidiki kuti tidzidze zvinhu kubva kuvakuru. Mazuva ano tiri pamakwikwi ekuratidzana kuti vana vangu vakangwara uye vari pamberi kudarika vana vamai nhingi. Tiri kusiya vana vachimhanya semapenzi. Asi kana uchida kukurumidza, ita wega usingabvunze vamwe. Asi kana uchida kuita zvinhu nemazvo uye zvinhu zvacho zvichibatsira, ita wabvunza vamwe.

Ndipo panobva zvirevo zvinoti, “Kukanya hurangana,” “Mazano marairanwa,” “Zano ndega akasiya jira mumasese,” “Chandagwinyira shave rebenzi.”

Variko nhasi pakati pedu vanoshora ruzivo rwechivanhu chedu, asi chavasingazive ndechekuti chivanhu chedu yakanga iri fenzi yaibatsira kuti hunhu husapoye huchinodya muminda yevaridzi. Fenzi yehunhu hwedu yaichengetedza vanhu.

Nhasi fenzi yehunhu hwedu yanzwa nemaburi-maburi nezvigamba. Nyaya iripo ndeyekuti kubooka kwefenzi yakanga yakatikomberedza nekutichengetedza sevanhu kwave kuita kuti misha yedu nehunhu hwedu zvipinde mhepo.

Kana ukada kuudza vanhu kuti chivanhu chedu nyangwe zvacho chakanga chiine tumwe twunhu twakanga twusina kunaka twakaita sekufunga kuti kuzvarwa kwemapatya nemasope aive mashura, hatingati zvinhu izvozvo zvishoma zvingaite kuti tirase tsika dzedu. Tsika nehunhu hwedu hwechivanhu zvakanga zvine chinangwa chekuti vanhu vagarisane zvakanaka.

Ukatarisisa, uchaona kuti tsika dzedu nehunhu hwedu dzinotsigira zvikuru mitemo gumi yaMwari yemuBhaibheri.

Kudya mabhisvo ane kirimu, chingwa chine jemhu tichinwa makuvha ndiko kufambirana nenguva, asi kufa. Ichokwadi kuti tiri kurarama munguva dzeshanduko, nguva dzekusaziva isu tichifunga kuti tinoziva. Munguva idzodzi dzatiri kukoshesa kudzidza, mabasa, mari, mota nemafoni – hukama hwedu vazhinji hwave mamvemve. Mutauro wedu wave masanganiswa. Humbimbindoga ndihwo hwatave kufamba takapakatira semabhegi.

Munguva dzino dzatiri kukoshesa hunhunzvatunzva, humharapatsetsetse nehugogodera – hatifanire kukanganwa kana kusiya tsika nehunhu hwedu hwakanga hwakatibatanidza sevanhu. Tsika nehunhu hwedu hazvina kungofuma zvavepo, asi zvakaumbwa kwenguva refu kudarika kumhanya kweFacebook neWhatsapp. Hatifanirwe kunyengerwa nezvitsva zviri kutipisa. Tsika nehunhu hwedu hazvisi makushe, asi ndiwo mapapiro atinobhururuka nawo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>