Kushanda kwemutemo unorwisa mhirizhonga

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

KUDZIKWA kwakaitwa mutemo unorwisa mhirizhonga weDomestic Violence Act Chapter 5:16 nomusi wa25 Gumiguru 2007 kwakatambirwa nemawoko maviri nemapoka akasiyana kusanganisira masangano anorwira kodzero dzevanhu. Izvi zvakaratidza kukosha kwekurwisa mhirizhonga uko kunobatsira mukuchengetedzwa kweupenyu hwevanhu.
Mutemo uyu wakatambirwa neruzhinji rwevanhu zvisinei nekuti vamwe vakange vaine pfungwa yekuti unogona kupfutidza moto wemhirizhonga.

Nyika dzakawanda pasi rose dziri kuzama kugadzirisa nyaya yemhirizhonga inoitika pavanhu vanogarisana.
Bumbiro idzva remutemo remuZimbabwe rine chinangwa chekuti Hurumende inge ichiwanisa vanhu rusununguko muupenyu hwavo, ichitarisawo zvikuru nyaya yekuchengetedzwa kwevanhukadzi.

Mutemo uyu unorwira murume, mukadzi vanenge vachigarisana kana vanhu vari kushamwaridzana murudo zvisinei nekuti vanenge vasiri kugara muimba imwe chete. Mutemo weDomestic Violence Act (Chapter 5:16) unoti mhirizhonga kupara mhosva ine chekuita nekukanganisa mararamiro emunhu sekumurova, kumukuvadza, kumushungurudza mupfungwa, kumubata chibharo, kutyisidzira kana kuuraya chaiko.
Vanenge vaparirwa mhosva dzerudzi urwu vanokurudzirwa kuti vange vachimhan’ara kumapurisa kuti vabatsirwe nekukasika.

Ndedzipi mhando dzemhirizhonga?

  • . Kushungurudzwa panyama
  • . Kubatwa chibharo
  • . Kushungurudzwa mupfungwa
  • . Kushungurudzwa munyaya dzeupfumi
  • . Kunyadziswa kana kubatwa-batwa muviri zvisina kutenderana.
  • . Kutevererwa
  • . Kuparadza midziyo
  • .Kunyimwa zvekushandisa mumba kana kurambidzwa kugara mumba macho.
  • . Kutengeswa kwemidziyo pasina kutenderana.
  • . Kushungurudzwa nenzira dzezvitendero, chivanhu kana kuti tsika nemagariro sekumanikidzwa kuvhenekwa humhandara kwevanasikana kana kuripiswa ngozi.
  • . Kushungurudzwa kwevanhu nekuda kwezera kana kusagadzikana kwenjere.

Chii chinonzi gwaro redziviriro (Protection Order)?
— Uyu mutongo unopihwa nevatongi vematare edzimhosva kuti unge uchidzivirira vaparirwi vemhosva kunyaya dzemhirizhonga. Gwaro redziviriro rinotendera kuti vaye vanenge vachimbunyikidza vaamwe vange vachibhadhara mari yekubatsira vavanenge vachikanganisira kana kuti vavanombunyikidza munyaya dzeupfumi. Gwaro iri rinoita kuti munhu anenge asina kuricherechedza achidzokorora kupara mhosva asungwe nemapurisa panguva ipi zvayo yaanenge apara mhosva iyi nekuti anenge azvidza dare.

Ndiani akakodzera kuwaniswa magwaro eProtection Order?
— Munhu anenge ashungurudzwa akakodzera
— Munhu anenge apuhwa mvumo neuyo ari kushungurudzwa
— Wese anenge ari kuchengeta munhu ari kushungurudzwa ane makore ari pasi pe18 ekuberekwa.
— Munhu wese anenge apihwa mvumo nedare kuti ange achimiririra muparirwi wemhosva.

Ko gwaro iri rinowanikwa kupi?
— Munhu anofanira kuzadzisa magwaro eprotection order ane affidavit kuburikidza nehofisi yaClerk of Court.
Magwaro aya anoshanda kwenguva yakareba zvakadini?
Zvinotora makore mashanu kana kudarika apo magwaro aya anenge achishanda zvichienderana nekuti hapana zvinhu zvinenge zvasandurwa here nedare.
Zvii zvinowanikwa mumutemo uyu?
— Unozivisa vanhu kuti ikodzero dzavo kuti vange vachimhan’ara nyaya idzi kumapurisa kana vachinge vakanganisirwa.
— Kuti vange vachiva nekodzero dzekuripirwa kana vachinge varasikirwa nemidziyo kana upfumi hwavo munguva yekuparirwa mhosva yemhirizhonga.
— Kana dare rikange raona kuti upenyu hwemunhu huri parumananzombe rinoita kuti nyaya inge ichitongwa nekukasika.
— Kana mupari wemhosva akasatevedza mutemo anogona kutenherwa mujeri kana kubhadhariswa faindi.
Zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuipa kwemhirizhonga sezvo dambudziko guru riri rokuti vanhu vemunharaunda vanenge vachitambira mhirizhonga idzi vachiona sedzisina basa.

Chokwadi chiripo ndechekuti mhirizhonga iriko uye iri kuramba ichiitika.
Mazuva ose tinonzwa nyaya dzemhirizhonga mumapepanhau. Semuenzaniso, mupepanhau reH-Metro remusi wa24/09/15 makabuda nyaya yemurume akauraya mudzimai wake.

MuDaily News remusi wa30/09/15 makabuda nyaya yemurume akapfura mudzimai wake nepfuti. Tiri kuramba tichingonzwa rungano rwenyaya dzakadai dzinokonzerwa nemhirizhonga dzemudzimba.
Mutemo uripo kuti tose tiushandise.

Chinyorwa ichi chakabva kuna: Fourie Revai. Makasununguka kupa pfungwa nemaonero enyu padandemutande rinoti: [email protected] <mailto:[email protected]> <mailto:[email protected] kana panhamba dzinoti 0777 828 201.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>