Kutaura kusvika vanhu vati eke!

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
PAMAZUVA andakanga ndiri imbwa, ndakadzidza kuti hadzisi nguva dzese dzaunofanira kuhukura. Kumwe kuhukura kunorovesa natenzi vanenge vachida kurara, asi iwe uchivashayisa hope. Kumwe kuhukura kunobhururutsa shiri, kunoita kuti chawanga uchinyangira chivhunduke nekutiza.

Kuhukura kune nguva nenzvimbo. Sembwa, ndakadzidza kuti pamwe pacho kungonyenama kwega kwakakwana, kunotaura zvakawanda kudarika kugwauta.

Pamwe pacho ndakadzidza kuti kuhukura kunoita kuti uzivikanwe kuti uri kutya, hauna chokwadi. Munokuziva kuhukura kunoita imbwa iri kutya. Inohukura ichimbonyarara asi kugwauta kwayo kuchipepereka sehundi iri kutiza murusero rwuri kupepetwa.

Kumwe kuhukura kwandakadzidza kuti hakubatsire, kugwauta kana uchinge wanzwa dzimwe imbwa dzichigwauta, asi iwe usingazive kuti dziri kugwautira chii.

Mazuva ano tiri kurarama munguva dzekushamisira, dzekuvimba nemaporofita kana nen’anga dzinenge Sekuru Ndunge. Muzukuru wangu anototaura achiti, “Muporofita wangu wekuBudaz!”

Ngwarira kuti usavimbe nevanhu, uye usakanganwe kuti Satani akambenge ari mutumwa, asi iko zvino ave nevatumwa vake vanogwauta kuti newewo kana ukabvuma kuita imbwa ubatane navo mukugwauta.

Tinotaura nekutaurisa pamusoro pezvinhu zvedu, pamusoro pesimba redu riri muzvinhu zvatakapihwa nen’anga kana nemuporofita. Mukutaurisa nekuzvitutumadza kwedu, tinopedzisira tave kunyepa, kuwedzera nekutsvaga kuti tityiwe nekurumbidzwa nevamwe vanhu.

Ndinotya kuwanda kwemashoko atiri kutaura pamaWhatsApp. Tinotaura nekugara tiri mujakachaka remashoko zvekuti tave kungogwauta nekuti dzimwe imbwa dzagwauta.

Dai kuwanda kwemashoko edu kuri kuhukura kwembwa, tingadai takarohwa natenzi nekuti tinenge tave kunyaudza. Kana ukaramba uchingogwauta, zvinoreva kuti nyangwe paye paunenge waguta, hauzive kuti yave nguva yekuzorora.

Kana Mwari vane zvavanotiyambira pamusoro pemashoko nekutaura. Kuna 1 VaKorinde 4:20, Pauro anoti, “Nokuti umambo hwaMwari hahuzi pakutaura kuzhinji bedzi asi pasimba.”

Mashoko akakosha. Bhaibheri rinotiudza kuti chakanga chiripo pakutanga ishoko. Uyewo tinoudzwa neBhaibheri rimwe chete iroro kuti, “Uswa nemaruva zvichasvava, asi shoko raJehovha rinogara nekusingapere.”

Mumwe akati chakaita kuti Mwari vape munhu nzeve mbiri nemuromo mumwechete inyaya yekuti tinofanira kuteerera kudarika kutaurisa kwatinoita. Mashoko akakoshesesa kana uri muKristu nekuti kana Jesu ari matiri, iye Jesu ari zvakare shoko, zvinoreva kuti kutaura kwedu kunofanira kuratidza Jesu.

Ndinoudza vanhu nguva zhinji kuti Jesu haana kumbobvira amhanya. Jesu paaitarisirwa kuratidza ruzivo rwake haana kutaura kusvika vanhu vati eke! Jesu aidzidzisa, asi kana paita vaitsvaga kuti apopote nekushaudha, mhinduro dzake dzaive nyoro.

Panzvimbo yekuTexta kubva mangwanani kusvika husiku, ita saJesu aimbosuduruka kubva muvanhu achienda kunonyengetera. Jesu aidzidzisa. Iwe mashoko ako anokoromoka nekukoromora ayo, ari kudzidzisa here kana kuti ari kudzikisa vanhu mumakuva nguva yavo isati yakwana?

Unogona kuti asi kuTexta hakusi kutaura. Asika, kana zvawanyora zvichiverengeka, uye zvichireva chinhu, unenge watotaura. Kana tiri vana vaMwari, tichitevera Jesu uye tiri zvapupu zvake, mashoko edu anoda kugadzirirwa fire guard tirege kupisa masango ane kamba, hwiza, makonye nezvimwe zvisingagone kutiza.

Kana uri munhu wesasi, wemashoko mazhinji ziva kuti mashoko ako ihosipitari inogona kuburitsa murwere ave mutano kana kuti ave chitunha.

WhatsApp ine mashoko, tsika nehunhu hwevanhu huzhinji. Usatevedzere zvevanhu nekuti kana zviri zvevanhu zvichapera, asi zvaMwari zvinogara nekusingapere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>