Magetsi adzima, newewo vheneka mwoyo wako

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Magetsi adzima, newewo vheneka mwoyo wako

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
CHANDO chiri kutonhora zvekuti chandidzidzisa chidzidzo. Kunze kwebhachi randakasiya ndakaturika kubasa, ndine mamwe mabhachi ari kumba aita kuti ndibvunze kuti munhu chaiye anofanira kuve nemajuzi nemabhachi mangani?

Bhachi randakasiya ndakapfekedza cheya kubasa randiseka rikandibvunza kuti ko kupawo mumwe munhu ari kuitwa chibage nechando zvakaipei? Rwendo rwechibage rwunorwadza. Chibage chinofururwa, chigotokonyorwa kana kupurwa, chinopepetwa kana kuurutswa chisati chazoendeswa kuchigayo kunogayiwa.

Ungafunge kuti nhamo yacho inobva yapera, kwete. Chinobva kuchigayo chave hupfu, choiswa mupoto, chokwatiswa, choshinyidzwa, chopakurwa sesadza rinosvinyangwa richitsengwa nemazino.

Munzvimbo dzatinogara tine vamwe vanhu vane simba rinobva pahupfumi hwavainahwo. Asi ukavatarisisa vanhu ivavo pasina hupfumi hwavo, unogona kungoonawo nyamututa ari kukungurutsa bhora rake rendove.

Panguva imwechete, munzvimbo dzatinogara varikowo vamwe vasina mari. Kazhinji, vasina mari havana simba, uye vazhinji vavo vanotozviziva kuti kushaya kwavo mari nehupfumi kunoita kuti vasatorwe sevanhu vakakosha. Mamiriro ezvinhu aya, ave kuita kuti vazhinji vedu tife nezvikwereti tichitsvaga kurarama hupenyu husiri hwedu. Tinopedza mari tichitenga doro remabhodhoro nekuti tikanwa masese tinenge tasauka. Vamwe vanotenga mota nemari dzekukwereta, kutenga smartphone inoshamisira, kuisa nzara, make-up, weave nekuenda kunoroja munzvimbo dzinodhura. Vavariro yedu inenge iri pakuda kutaurwa nevamwe kuti zvedu zviri kufamba.

Asi zvinhu zvatinoona nemaziso ndizvo chete here zvatingati ndiko kupfuma nerugare? Ko kana ndisina mota, weave neziSmartphone, asi ndiine mufaro, ndiri mutano nerugare handisi mupfumi here?

Ndinonetseka nekutungamidza runako rwenyama kwatave kuita. Paruzhinji rwevanhu, vasingadzokorore hembe ndivo shasha, asi fashoni ndiyo inotariswa here naMwari? Kuna Mapisarema kunotaurwa nyaya yakadzama pamusoro pedu vanhu.

Hazvina basa kuti tine simba rekupihwa nevanhu kana rinobva pamari yedu zhinji. Hazvina basa kuti tinofamba nestep inokunda yemadhakisi akadhakwa, kuri kuzvida. Tinoudzwa kuti tese tichafa sekufa kunongoitawo vanhu vese zvavo. Saka kana tiri vanhu vachazofa, hazvina kungwara here kuti tichiri vapenyu kudai tiite zvakanaka, uye zvinofadza Mwari?

Mupfumi wemuBhaibheri akazorwadziwa paakanga afa achiona murombo ave muhumambo hwedenga asi iye ari mugomba remoto.

Chinhu chakakosha kuti mumazuva ano ekuenda kwemagetsi, tirege kupopotera nekuridzira veZesa tsamwa. Hapana anoda rima kunze kwevaroyi nembavha.

Asi panguva dzekudzimwa kwemagetsi, ngatitore mukana uyu kuti tione kuipa kwakaita rima. Munguva dzino dzekudzimwa kwemagetsi, ngatitsvage mwenje – matochi kana makendhuru tivhenekewo mwoyo yedu. Ngatizvibvunze mibvunzo yekuti panotsvagwa vanhu vanoshamisira nezvinhu, isuwo hatipo here ipapo?

Kune vari kuchema nekuti vapererwa nehupfu asi iwe uchiwana mari yekutenga nzara netsiyo sekunonzi hauna. Variko vari muCyclone Idai yavo zvekuti havana juzi kana chibhachi chakabvaruka zvacho muchando chino chinoruma kunge mazino embwa. Verenga mabhachi ako nemajuzi ungobvisa rimwechete zvaro rausisade.

Ngatikumbirei kuti Mwari vatibatsire kuti tiregere kupedzera simba redu kuMake-up nekutenga maData Bundles. Ngatirege kupembedza vane mari tichikanganwa nherera neshirikadzi. Tinogona kunge tisina mari zvedu, asi kuda nekunzwira vamwe tsitsi hakudi mari.

Ngatimboyedza kubata ruoko rwemumwe, kutaura nemumwe munhu asina vanomutaudza. Ngatinamatire vari kurwara nekushaya — ngatimbotenga nekufukidza mumwe munhu gumbeze rerudo munguva ino yechando.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>