Majeri haasati azarisa wani

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Majeri haasati azarisa wani

Kwayedza

PASI rose, kuratidzira kana vanhu vaine zvavanotsutsumwa nazvo kwagara kuchiitika. Kana muri muZimbabwe, bumbiro remutemo rinojekesa kuti vanhu venyika ino vanotenderwa kuratidzira – ndokunge vachizviita nemazvo uye pasina kukanganisa kodzero dzevamwe vanhu. Ndokusaka vamwe vanhu – kunyange zvazvo vainge vaine zvavowo zvinangwa – vakasiiwa vachiratidzira nemusi weMuvhuro wadarika.

Veruzhinji vaitarisira kuti vanhu ava vachaita izvi murunyararo uye vasingatyore kodzero dzevamwe vanhu. Asi izvi handizvo zvakaitika.

Vakaronga izvi vaive nezvinangwa zvekusvibisa Zimbabwe nevanhu vayo, kuparadza, kuba nekuponda.

Nyaya yainge ichisusukidzwa nevanhu vange vachironga kuratidzira kwemusi weMuvhuro yange ichinzi kukwira kwemafuta edzimotokari nezvimwewo zvine chekuita nekuoma kweupenyu munyika.

Asika, izvi handizvo zvakazoitika. Takaona kuparadzwa kwezvinhu zvinosanganisira zvitoro, kupaza nekuba, kurohwa kwevanhu vachimanikidzwa kuti varatidzirewo asi ivo vasina kunge vakazvipira, kurwiswa kwevanochengetedza mutemo semapurisa, kuvharwa kwemigwagwa kuti mota dzisafambe nezvimwe zvakashata sekupisa matayi edzimotokari mumigwagwa. Nhubu idzi dzakapinda nemuzvikoro dzichirova vana vechikoro nematicha.

Mwana wechikoro anei nekukwira kwezvinhu? Motokari yakatakura chitunha, kana vanhu vari parufu vanei nekukwira kwepeturu? Mbuya kana kuti sekuru vari kuzvifambira vanorambidzirwei kuita zvavanoda pamadiro? Munhuwo zvake anoroverwei achinzi asafambe pamadiro?

Zvose izvi handizvo zvinoreva kuratidzira uye hakuna kodzero dzakadaro. Kodzero dzekuti unoratidzira nekuponda, kuparadza nekurambidza vanhu kuzvifambira pamadiro? Hakuna kodzero dzakadaro.

Uhu hunhubu hunoitwa nevanhu vanenge vaine zvimwe zvinangwa. Ndokusaka Hurumende ichiti vakaronga izvi vanhu vane zvimwe zvinangwa.

Kana zviri izvo, zvorevaka kuti matanho anofanirwa kutorwa – achitorwa nemazvo uye zvakasimba.  Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu vatatu vainge vafa nekuda kwemhirizhonga iyi – mumwe wacho mupurisa.

Ndokusaka vanochengetedza mutemo vakazopindira mushure mekunge vaona kuti zvave kuitwa hazvina maturo – ny’any’a dzange dzopinimidza miswe. Ndipo paunonzwa nhubu idzodzi dzotanga kuzhamba vachiti kodzero dzavo dziri kutyorwa. Ko veruzhinji havana kodzero nhai?

Zvinoratidza kuti vanhu vakaratidzira svondo rino vange vaine zvimwe zvinangwa zvakasiyana nezvainge zvichitaurwa kuruzhinji. Zvakare, izvi zvinoonekwa nezvange zvotaurwa nekuitika pamadandemutande akaita seWhatsApp neFacebook apo pakatanga kushambadzwa mashoko ekuparadza kwete anovaka.  Humharadzi hwakadai haufanirwe kusiiwa huchienderera, naizvozvo ibasa reHurumende nebato riri kutonga reZanu PF kuona kuti veruzhinji vachengetedzwa uye vasiiwa vachiita mabasa avo pamadiro.

Sekuona kwedu, hakuna munhu ane kodzero dzakadarika dzevamwe vanhu. Tose tiri vanhu uye tinofanirwa kuva nekodzero dzakainzana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>