MAONERO EDU:

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
MAONERO EDU: Coronavirus

Kwayedza

ZIMBABWE kusvika parizvino yave nevanhu 787 vabatwa nechirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa.

Pahuwandu uhu, 201 vakanaya kubva kuhurwere asi vamwe vapfumbamwe vakashaya.

Chirwere ichi chiri kuramba chichitekeshera munyika kunyangwe zvazvo Hurumende nemapoka akasiyana vari mushishi kurwisa kupararira kwacho.

Kune vamwe vanogona kuve nemufungo wekuti vanhu vabatwa neCovid-19 muno pamwechete nekufa nechirwere ichi vashoma zvikuru kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dzakadai seUnited States kana Italy.

Hongu, ichi ichokwadi asika, tinofanira kutarisa kuti muZimbabwe mune vanhu vangani tisati tatanga kuda kuenzanisa mabatiro ari kuita vanhu chirwere ichi munyika muno nekunze.

Pamusoro pezvo, hazvina huchenjeri kuti tigorivara tichiti vanhu vabatwa neCovid-19 uye vafa muno vashoma nekudaro hatifanirwe kusimbaradza nzira dzekudzivirira kupararira kwayo.

Tinodaro nekuti izvi ndizvo zvakaitwa nedzimwe nyika apo dzakarivara kusvikira chirwere ichi chadzika midzi uye vanhu vave kufa nechakapedza mbudzi.

Hurumende yemuno iri kutora matanho akasiyana-siyana mukuedza kumisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus hunokonzera Covid-19.

Matanho aya anosanganisira kuti vanhu vasangofambe-fambe zvisina tsarukano, kusaita chitsokotsoko uye nekugara vakapfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzine ruzhinji.

Pakatanga chirongwa chekumisa kupararira kwechirwere ichi, vanhu vakawanda vaitevedzere matanho aya.

Asi pari zvino hazvishamisi kuona vanhu vasina kupfeka mamasiki kana kuti vakaungana, zvikuru semuzvitoro nekumwe.

Vamwe ndivo vave kutoseka vanhu vavanoona vakapfeka masiki vachiti “masiki yakabuda musitaera”.

Kuita kwakadai hakuna kumbosiyana nekuzvisikira moto muziso.

Chinoshamisa ndechekuti pakatanga Covid-19 pachine vanhu vashoma vaive vabatwa nechirwere ichi, vanhu vaipfeka mamasiki.

Asi iye zvino apo vabatwa nehutachiona hwecoronavirus vari kuwanda, veruzhinji havachada kupfeka mamasiki.

Uku kushaya huchenjeri zvachose nekuti kuwanda kuri kuita vari kubatwa neCovid-19 zvinoreva kuti njodzi yekuti veruzhinji vatapurirwe chirwere ichi inokurawo.

Hatifanirwi kuvarairwa panguva yakadai nekuti dai ndakaziva haitungamiriri.

Hondo yekurwisa kuparira kwechirwere ichi inoda munhu wose nekuti rwodzi rwakasungwa katatu harudambuki nhando.

Ino haizi nguva yekuita zinyeke-nyeke panyaya yekumisa kupararira kweCovid-19.

Matanho ose ari kukurudzirwa kuti veruzhinji vatevedzera vanofanirwa kuzviita nemwoyo unoda.

Zvinotoshamisa kuti kune vamwe vanozopfeka mamasiki mushure mekuona mapurisa.

Masiki haipfekerwe mupurisa, asi kuchengetedza upenyu hwemunhu anenge akaipfeka nevamwe.

Covid-19 ichiriko uye handi jee.

Share This:

Sponsored Links