MAONERO EDU: Chinyakare chinobatsira

17 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
MAONERO EDU: Chinyakare  chinobatsira

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya iri pamusoro petsika yaitevedzwa pasichigare uye ichiri kuitwa nevamwe vanhu nhasi, tsika yekuendesa mbeu dzezvirimwa kumadzishe kuti vapire kumidzimu kuitira kuti zvigoropafadzwa. Pasi petsika iyi, kana nguva yemwaka wekurima yava kusvika, varimi vanotora mbeu dzavanenge vachida kudyara voendesa tsanga dzacho kumasvikiro edunhu.

Izvi zvinoitwa zvichitungamirirwa nevakuru vematunhu vakaita semasabhuku, madzishe kana madzimambo.

Madzishe kana madzimambo vanozotora mbeu iyi voipira kumasvikiro. Mbeu dzinenge dzapirwa kumasvikiro idzi kana kuti makombwe dzinodzoserwa zvakare kuvarimi dzosanganiswa nedzimwe dzochizodyarwa.

Tsika iyi inoitwa nedonzvo rekuti pasave nehudyi hunoparadza zvirimwa uye kuti varimi vagowana goho guru.

Zvinofadza kunzwa kuti tsika iyi ichiri kutevedzwa kune mamwe matunhu eZimbabwe nekuti kune vamwe vanhu dzangova ngano kana kuti ndangariro. Vamwe ndivo vave kuti vanomanata nekudaro vave kuendesa mbeu yavanenge vachida kudyara kuvakuru vemachechi avanopinda kana kuti kumaporofita.Pasichagare zvakare kwaiti kana zvirimwa zvemuminda zvaibva zvaitanga zvapihwa kumadzishe avo vaipirawo kumidzimu uye mushure meizvi veruzhiji vaizotanga kuzvidya.

Kana nanhasi uno kune mamwe matunhu izvi zvichiri kutevedzwa nekudaro tinorumbidza avo vari kuramba vakabatirira pamwe nekuchengetedza tsika nemagariro evanhu vatema.

Tinodaro nekuti tsika dzechivanhu idzi ndidzo ugo hwemadzinza inova nhaka yemusiidzanwa.

Kunyangwe panyaya yekuziva mamiriro ekunze chaiwo, kare kune zvaizivisa veruzhinji kuti mwaka wezhizha uchave nemaguta here kana kuti kwete.

Mimwe mienzaniso yainonekwa pamichero yakaita semazhanje kana kuti chakata idzo dzaiti kana dzakabereka zvakanyanya waive mucherechedzo wenzara yaizouya sezvo mvura inenge isingazonaya zvakanaka. Nekudaro vanhu vaibva vagadzirira nguva ichiripo.

Micherechedzo iyi nanhasi ichiri kushanda uye kune vamwe vari kuitevedza. Sekutaura kweimwe nyanzvi yekuUniversity of Zimbabwe, Mai Juliet Gwenzi, avo vari kuchikamu chePhysics, vanoti kune dzimwe nzira dzechinyakare dzichiri kutevedzwa nevanhu kuti vange vachiziva mamiriro ekunze. Vanoti vakaita ongororo yenzira idzodzi kunzvimbo yeMutawatawa nekuGuruve vakaona dzichishanda zvikuru.

Mai Gwenzi vanoti somuenzaniso, vanhu vanotarisa mafambiro emhepo uye kana ichinge yakanyanya zvinenge zvichireva kuti mvura inogona kutadza kunaya apowo shiri dzakaita semashuramurove, dendera, nhengure nehaya dzichiti kana dzikarira neimwe nzira mvura inobva yanaya. Michero yakaita senhunguru, matufu netsambatsi zvinoratidza kuti mwaka wegoho rakanaka kana ichinge yakabereka zvakanaka.

Hongu, mazuva ano kwave nemichina inoshandiswa pakuziva mamiriro ekunze asi hapana chakaipa kana michina iyi ikashandiswa pamwe chete nedzimwe nzira dzaishandiswa pachinyakare.

Chikuru chinodiwa idzidziso kuti veruzhinji vadzidziswe vagorovedzerwa kutsika dzinobatsira muraramo yavo.

Share This:

Sponsored Links