Maonero Edu: Covid-19: Zim iri mugwara

05 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Maonero Edu: Covid-19: Zim  iri mugwara

Kwayedza

CHIRWERE cheCovid-19 chazengezana pasi rose uye chakonzera zvakare matambudziko makukutu anosanganisira kufa kwevanhu pamwechete nekudzorera kumashure zvikuru budiriro munyaya dzehupfumi.

Izvi zvaona nyika dzakawanda, kusanganisira Zimbabwe, dzichitora matanho akasimba ekurwisa denda iri. Matanho aya anosanganisira kurudziro yekuti vanhu vapfeke mamasiki kana vachienda kunzvimbo dzinosangana veruzhinji, kusaita chitsoko-tsoko uye nekusafamba zvisina tsarukano.

Dr Agnes Mahomva — avo vanova Chief Coordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet  — vanoti Zimbabwe iri mugwara rakanaka pakurwisa chirwere cheCovid-19 kunyangwe zvazvo pachiri nezvakawanda zvinoda kuitwa nechinangwa chekusimbaradza zvirongwa zvekumisa kupararira kwedenda iri. 

Vanoti pane ongorororo iri kuitwa (inter-action review) pamusoro pechirwere cheCovid-19 kubvira pachakatanga muZimbabwe mumwedzi waKurume wegore rino uye zviri kubuda muongororo iyi zvinoratidza kuti nyika ino yakwanisa kumisa chirwere ichi.

Ongororo iyi ine chinangwa chekuona pasvikwa nenyika ino kubvira pakatanga chirwere ichi, budiriro yavepo, matambudziko ari kusanganikwa nawo uye nezvingaitwe kugadzirisa mamiriro ezvinhu.

Iri kuitwa zvakare senzira yekuzadzikisa zvinodiwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose, reWord Health Organisation (WHO), panyaya yekurwisa chirwere ichi.

Hurumende, yakabatana nemapoka akasiyana, inofanirwa kurumbidzwa zvikuru nematanho ari kutorwa mukudzivirira kupararira kweCovid-19. Kunyangwe sangano reWHO riri kurumbidza zvakare Zimbabwe mukurwisa kwairi kuita denda iri.

Asi, budiriro yavepo panyaya yekumisa kupararira kwechirwere ichi inogona kudzoserwa kumashure kana veruzhinji vakarivara vorega kutevedza zvinodiwa.Tinodaro nekuti pari zvino zvinotaridza kuti kune vamwe vave kuda kuita chijairira chekusatevedza matanho akatarwa ekurwisa Covid-19. Mazuva ano hazvishamisi kuona munhu achifamba munzvimbo dzinosangana veruzhinji dzakadai sepakati peguta reHarare asina kupfeka masiki zvachose.

Vamwe ndivo vanenge vakapfeka mamasiki nenzira dzisiridzo dzinosanganisira kurembedza pachirebvu.

Vamwewo vanhu vari kuonekwa zvakare vachiita chitsoko-tsoko munzvimbo dzakasiyana. Kune vasisina hanya nekuita hutsanana hunosanganisira kugeza maoko nesipo uye nemvura.

Zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti kutevedzera matanho ekurwisa Covid-19 nemazvo kunobatsira ivo sezvo utano hwavo hunenge hwakachengetedzwa. Haisi nyaya yekutya vabatai vemutemo vakadai semapurisa kuti munhu anopfeka masiki achitya kusungwa.

Kwete, masiki inopfekerwa kuchengetedza utano nehupenyu hwemunhu anenge akaipfeka. Hurumende pamwechete nenyanzvi dzezveutano vari kugara vachiyambira veruzhinji kuti kana vakavarairwa panyaya yekurwisa Covid-19, denda iri rinogona kunyuka kechipiri.

Pari zvino nyika dziri kumatunhu anosanganisira Europe neNorth America dziri kuona kuwanda kwenyaya dzevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure nekuvhenekwa zvichitevera kunyuka kwacho kechipiri. Izvi zvinogona kuitika munyika muno zvakare kana veruzhinji vakashaya hanya nekutevedza zvizere matanho akatarwa ekurwisa denda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>