MAONERO EDU: Dzingai nzara nePfumvudza

01 Oct, 2020 - 09:10 0 Views
MAONERO EDU: Dzingai nzara nePfumvudza Photo Credit - Foundations for Farming (file photo)

Kwayedza

GADZIRIRO dzekurima dzemwaka wa2020-2021 dzave padanho repamusoro, zvikuru pasi pechirongwa chePfumvudza chekurima chibage nedzimwe mbesa icho chakaunzwa neHurumende.

Pasi pechirongwa ichi, varimi vanochera makomba ayo vanoisa manyowa mukati kana dota kuitira kuti chibage kana dzimwe mbesa dzavanodyara dzibude pamwe chete nekukura zvakanaka.

Pamusoro pezvo, varimi vanoisa huswa hwakaoma kana kuti murakwani pakati pemakomba avanenge vachera.

Chinangwa chekuisa huswa uhu kana kuti murakwani ndechekuti kana mvura ichinge yanaya, hunyoro hunokwanisa kuchengetedzeka izvo zvinoita kuti chirimwa chikure zvakanaka.

Kunze kwaizvozvo, izvi zvinobatsira zvakare panguva iyo mvura inogona kutora nguva refu isati yanaya sezvo hunyoro hunenge huripo.

Sora, iro rinotambudza varimi nguva zhinji, harikwanise kukura sezvo pakati pemitsara yemakomba anenge akacherwa panenge paine huswa hwakaoma kana kuti murakwani.

Hurumende yakauya nechirongwa ichi nechinangwa chekuti varimi, zvikuru vekumaruwa, vakwanise kuwana goho guru kubva mukurima ndima diki izvo zvinopedza nzara munyika.

Chirongwa ichi chakanakira pakuti murimi anokwanisa kukohwa kunyangwe mvura ikasanaya zvakanaka sezvange zvichiitika mwaka yadarika nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze.

Pari zvino Hurumende iri mushishi kupa varimi mbeu, fetireza nemishonga yekushandisa pasi pechirongwa chePfumvudza ichi.

Izvi zvinoreva kuti chitsveru kana kuti chitsvambe chasarira kuvarimi nekuti kana Hurumende yavapa zvekushandisa, payo inenge yapedza. Itarisiro yedu kuti varimi vanotora mukana uyu voushandisa zvizere nekuti chibage kana dzimwe mbesa dzavanenge varima ndezvavo nemhuri dzavo.

Kune vamwe vanotengesa ingave fetireza kana mbeu yavanenge vapihwa neHurumende inove tsika yakaipa zvikuru.

Vakadai ava vanofanirwa kusvipira katsika aka pasi.

Chirongwa chePfumvudza chiri kuuya panguva iyo nyika dzakawanda dzemudunhu reSadc dziri kusangana nedambudziko rekusanduka kwemamiriro ekunze uko kuri kudzosera kumashure mabasa ekurima.

Kusanduka kwemamiriro ekunze uku kuri kukonzera kuti mvura inaye iri shoma zvikuru kana kuti yakawandisa.

Bazi reMeteorological Services Department (MSD) rinoti mwaka uno mvura iri kutarisirwa kunaya zvakanaka muZimbabwe nekudaro zvakakosha kuti varimi vatore mukana wechirongwa chePfumvudza ichi vorima nemazvo.

Nyika ino makore adarika yaizivikanwa sedura rezvekudya mudunhu reSadc uye zvinokwanisika kudzokera pachidanho ichi kana varimi vakashanda nesimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>