MAONERO EDU: Koshesai tsika nemagariro

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MAZUVA ano vanhu vazhinji vari kuchema-chema pamusoro pekuraswa kuri kuitwa tsika nevana vari kuyaruka pamwe nevanhu vakuru.

Izvi zviri kuita kuti vanhu vazvishairwe shumo yazvo nekuti kana vechikuru vava kurasa tsika ndiani achadzidzisa vechidiki?

Nekudaro tinotambira nemawoko maviri kurudziro yemukuru wechikoro cheGirls High School, Mai Beauty Mutsambiwa, nevamwe vatungamiriri vezvikoro, avo vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvidzidzise vana tsika nemagariro evanhu vatema.

Vachitaura pamhemberero dzezuva rekukurudzira kukosheswa kwetsika nemagariro, reCulture Day, pachikoro chavo svondo rapera, Mai Mutsambiwa vanoti vana vanofanira kukura vachiziva tsika dzakanaka.

Vanoti chikoro chavo chakaronga zuva iri nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo zvetsika nemagariro kubudikidza nevana vachiita mitambo, madetembo pamwe nekubika chikafu chechivanhu chinosanganisira sadza remhunga, rezviyo nemahewu.

Danho rakatorwa nezvikoro iri rinorumbidzwa zvikuru nekuti vana vanofanira kukura vachirovedzerwa kunyaya dzine chekuita netsika nemagariro.

Nhasi uno kune vamwe vari kutungamidza tsika dzemamwe marudzi pamberi vachirasa dzavo.

Kune vamwe vanhu vatema vari kukoshesa tsika dzechiRungu vachitarisira dzavo pasi kunove kurasika chaiko.

Maitiro akadai aya kazhinji anokonzerwa nekuda kubatira zvinhu padenga uye nekusaziva hudzamu huripo pakutevedza tsika nemagariro.

Kurasika kwehunhu uku muvanhu vakuru ndiko zvakare kwave kukonzera kuti vamwe vashaye matyira zvekuti unonzwa kuti tezvara vari kudanana nemuroora kana kuti mukuwasha ari kudanana naambuya. Ndicho chii ichocho?

Tikatarisa vanhu ava vose vanyarikani kune mumwe nemumwe saka zvinozofamba sei kuti vasvike pakupinda munyaya dzerudo?

Huny’any’a hwakadai hunobva pakutevedza tsika dzevamwe izvo zvinoita kuti pasave nekukudzana pakati pavo.

Chinoshamisa ndechekuti idzo tsika dziri kuzvidzwa idzi kune vari kutodziyemura sekuti vamwe vachena vari kusarudza kuroora vanhukadzi verudzi rwechitema vachiti ndivo vane hunhu hwakanaka.

Kusakosheswa kwetsika nemagariro uku zvakare ndiko kuri kukonzera kutarisirwa pasi kwemitauro yemuno yakaita seShona, Ndebele kana Tonga.

Kune zvimwe zvikoro kana kuti kudzimba uko vana vasingabvumidzwe kutauro mitauro yemuno vachinzi ngavataure chiRungu chete.

Asika kana tikatarisa dzimwe nyika dziri kubudirira dzakaita seChina tinoona kuti dzinokoshesa mitauro yadzo uye vana veko vanodzidza zvidzidzo zvakaita seMathematics vachishandisa mitauro yavo.

Zvakakosa kuziva kuti ibasa remunhu wose kuchengetedza tsika nemagariro evanhu vatema nekuti ndizvo zvoga zvinoumba hunhu hwakanaka pamwe nemagariro anokudzwa munharaunda dzakasiyana.

Share This:

Sponsored Links