MAONERO EDU: Kuba kwakaipa, asi iwe usauraye

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya yen’anga inozviti ishasha pakuranga mbavha kuburikidza nekushandisa mishonga yekuti kana munhu akabirwa akaenda kwaari, inogadzira mbavha yacho zvekuti inogona kupedzisira yafa.

N’anga iyi inoti kunyange ichishandisa mishonga inouraya “pakusota” mbavha nemakororo, asi iyo haisi muroyi.

Mukurarama kwatinoita, hapana anokurudzirwa kurozva vamwe vanhu nekuvabira.

Ichokwadi kuti vakuru vanoti mbavha imbati nekuti hazvina basa kuti uri hama, gororo rikashaya wekubira rinobira iwe.

Ichokwadi kuti kubirwa kunorwadza zvisinei kuti unenge wabirwa chinhu chihombe here kana kuti chidiki.

Asika, semaonero edu, kushandisa mishonga inouraya handiyo nzira inogona kupedza dambudziko rekubirwa.

Kune vakawanda vanogona kupokana nemaonero edu aya vachiti kushandisa mishonga chete yakaita seinorehwa nen’anga iyi kana mimwewo yerukwa ndiyo nzira yekuranga nayo mbavha.

Kuuraya munhu chitema chikuru kuna Mwari uye ndiani anoziva mhiko dzinenge dziri mumishonga inoshandiswa nen’anga pakuzosvika pakuuraya mbavha?

Kazhinji mishonga yakadai ndiyo inozotambudza vananyakuishandisa mune remangwana voshaya kuti zvabva nepi nekuti chisi hachieri musi wacharimwa. Hongu, kubirwa kunorwadza asiwo kuuraya munhu anenge aba handiko kupedza dambudziko rekubirwa.

Munyika muno mune mitemo nekudaro vanenge vabirwa vanosungirwa kunomhan’ara kumapurisa ayo anozoferefeta, kana mbavha dzacho dzichinge dzabatwa dzoendeswa kumatare edzimhosva dzopihwa mitongo yadzo.

Matare edzimhosva haangotongera mbavha kugara mujeri chete asi kuti anenge abatwa nemhosva yekuba anotemerwa zvakare chirango chekuti adzosere kana kubhadhara zvaanenge akaba uye kutadza kwake zvinoreva kuti anozonodya refovhoro.

Nerimwe divi, kana munhu akabirwa akaenda kun’anga ikashandisa mushonga kuti mbavha yacho ife, nyakubirwa uyu zvinomubatsira chii? Haanzi aurayawo here?

Handiyo mweya inozogara ichitevera vamwe here vopedzisira vave kuti vane rushambwa asi ivo vakazvisikira moto muziso voga?

Pamusoro pezvo, veruzhinji havafanire kungotenda n’anga kana maporofita vose- vose vanoti vanokwanisa kuvabatsira mumatambudziko avanenge vachisangana nawo nekuti kune vamwe vari kutsvaga kurarama kuburikidza nekudya zvemarema.

Kune vanhu vakawanda vari kuzochema pamwe nekudemba mushure mekunge varozvwa pfuma pamwe nezvimwe zvinhu nemaporofita kana n’anga dzenhema.

Nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vasangoti vakanzwa kuti ngana ane mukurumbira wakati, vobva vapitipidzana kuendako vachiti vanowana rubatsiro.

Nhasi uno kune dzimwe n’anga nemaporofita enhema vari kurarama kuburikidza nekutsotsa vanhu, vamwe vacho vanozivikanwa nekuti vanaTsikamutanda avo veruzhinji vanofanira kungwarira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>