Maonero Edu: Kudeura ropa hakupfumise

08 Oct, 2020 - 16:10 0 Views
Maonero Edu: Kudeura ropa hakupfumise

Kwayedza

NYAYA yekupondwa kwakaitwa mwana aive nemakore manonwe ekuberekwa wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, nguva pfupi yadarika uyo mutumbi wake wakazowanikwa usina musoro, maoko nemakumbo ose yakonzera kuzengezana munyika yose.

Vanhu vazhinji vakabatikana zvikuru nekuda kwenyaya iyi vachishamisika kuti mweya upi wapinda mune vamwe vanhu zvekusvika pakuita humhondi hwakladai?

Pane vanhu vaviri vakatosungwa vachipomerwa mhosva yekuponda mwana uyu uye mumwe wacho ndibabamukuru vanyakupondwa.

Mumwe wevari kupomerwa mhosva yekumuponda anoti akatanga adhakisa mwana uyu nedoro rekachasu, ndokuzomucheka musoro seanocheka huku.

Chii chinenge chichifungwa nemunhu anoita humhondi hwakadai?

Zviri pachena kuti mwana uyu akafa rufu runorwadza zvikuru.

Zvinotorovesa hana kunzwa kuti munyika muno mune vanhu vane mwoyo yakaipa kudai.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi nhengo dzemwana uyu dzakachekwa kubva pamutumbi wake nechinangwa chekuti dzinoshandiswa munyaya dzekuchekeresa.

Iye akati munhu anobudirira nekushandisa ropa remumwe munhu ndiani?

Budiriro inobva pakushanda nesimba uye kuita zvinhu zvakarongeka kwete kuchekeresa munhu.

Pane n’anga kana kuti tsikamutanda ari kutsvagwa nemapurisa nemeso matsvuku uyo anonzi ndiye akaenda nedzimwe nhengo dzemuviri wemwana uyu dzinosanganisira musoro.

N’anga kana kuti vanatsimutanda vanofurira vanhu kuti vachekerese nechinangwa chekuti vapfume vanofanirwa kurangwa zvakaomarara nemutemo.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vanoti Hurumende iri kushushikana zvikuru nekuda kwemhondi dzinouraya vanhu, zvikuru vana, nechinangwa chekuvachekeresa.

Vachitaura pakuvigwa kwegamba renyika Cde Ruphus Chigudu kumarinda eNational Heroes Acre nemusi weMuvhuro uno, President Mnangagwa vanoti vabati vezvemutemo vanofanirwa kuranga mhondi dziri kuuraya vanhu nechinangwa chekuvachekeresa.

Vanoti zvakakosha kuti vabati vezvemutemo vatore matanho ekugadzirisa dambudziko iri nekukasika nedonzvo rekuti veruzhinji vagare vakasununguka.

Tinowirirana zvikuru nemashoko emutungamiriri wenyika aya ekuti vanhu vanoita humhondi vanofanirwa kubatwa vorangwa zvakaomarara nemutemo.

Kana mhondi dzerudzi urwu dzisina kubatwa, izvi zvinoita kuti veruzhinji vagare vakabatira hana dzavo mumaoko nekutya nekuti havazive kuti ndiani anenge ari kuzviita pakati pavo.

Senyaya yekwaMurehwa, zviri pachena kuti munhu akaponda mwana uyu akange ave nenguva achironda mafambiro ake.

Tinodaro nekuti hazvizi nyore kuti munhuwo anogara kure uye asingazive nezvemwana uyu akwanise kuita zvakaitika izvi.

Kunyangwe vabereki vake vachagara vachirwadziwa nendangariro dzezvakaitika nekuti iyi inyaya inobata-bata mubereki wose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>