MAONERO EDU: Kunanga mumwe huroyi imhosva

19 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MAZUVA ano nyaya dzekunangana huroyi dziri kuwanda zvikuru muZimbabwe zvekuti vamwe vari kupedzisira vasvitsana kumatare edzimhosva sekwamambo kana kwasabhuku.

Semuenzaniso, svondo rino tine nyaya mbiri dzine chekuita nekunangana huroyi, yekutanga iri yekwaMambo Njelele, kuGokwe, uye yechipiri yacho iri yakapinda mudare reHarare Civil Court svondo rapera.

Munyaya yekuGokwe, pane chembere inonzi yakaberekeswa chitunha chemwana mutorwa ikamanikidzwa kufamba nacho mumamisha ichishungurudzwa apo yaipomerwa kuve nechekuita nerufu rwake.

Chembere iyi inonzi inonamata pamwe chete nemuporofita akange amboporofita rufu rwemwana uyu nekudaro paakazofa vabereki vake vakabva vati yaive nerimwe chete nemuporofita iyeyu.

Semaonero edu, chembere iyi yakarwadziswa zvikuru zvinove zvisingatarisirwe kuitwa nevanhu pakugarisana.

Nyaya iyi yakazopinda mudare raMambo Njelele mhuri yaive yaberekesa chembere iyi chitunha ndokuripiswa mbudzi nemari zvavakanzi vape kuna ambuya ava.

Mutongo uyu tinoona sewakareruka zvikuru kana tichitarisa mhosva yakaparwa nemhuri iyi, kuberekesa munhu chitunha chemutorwa onzi afambe kwemakiromita 10 chiri kumusana.

Munyaya yechipiri iyo yakapinda mudare reHarare Civil Court, pane mwanasikana anopomera amai vake, chaivo vekumubereka, kuti varoyi achiti ndivo vakadya baba vake.

Mashoko aya akaita kuti amai vake vazonomhan’ara kupumhwa huroyi kudare vachida dziviriro iyo vakapihwa.

Nyaya mbiri idzi dzinoratidza kuraswa kuri kuitwa tsika nemagariro akanaka munharaunda nevamwe vanhu.

Pachivanhu, mwana akatendeka amai kana baba kuti varoyi imhosva huru inotoda kuripwa kuburikidza nekutanda botso.

Botso iri rinotandwa zvakare nemwana anenge arova amai kana baba.

Hazvinei kuti mubereki akutadzira zvakadii, haarohwe kana kutukwa nekuti kuita izvi zvakafanana nekuzvisikira moto muziso kana kuti kutamba nematope pasina mvura.

Nhasi uno kune vamwe vanhu vave kurarama upenyu hwehurombe mushure mekunge vashungurudza vabereki vavo.

Hongu, mukugara vanhu vanotadzirana uye kana zvakadaro panoda vanoyananisa vakaita sevamwe vechikuru mumhuri, masabhuku, mafundisi kana mapurisa chaiwo nekuti vane chikamu chinodyidzana neveruzhinji. Tinorumbidza matanho akatorwa nechembere yekuberekeswa chitunha chemwana pamwe naamai vekunangwa huroyi nemwana wavo ekuenda kumatare kuti vanoyananiswa nekuti pakadai apa kune vamwe vanotora mutemo voisa mumawoko avo vanhu vopedzisira vave kurwisana.

Sechembere yekuberekeswa chitunha iyi, inoratidza kuti munhu akura mupfungwa nekuti yakange isingade kuripwa asi kungoyananiswa pamwe nekuchenurwa zita rayo chete.

Kunangwa huroyi kunoshungurudza uye pasi pemutemo wenyika imhosva sezvo anenge ananga mumwe kuti muroyi achifanirwa kuzopa umboo hwacho hwakadzama mudare redzimhosva. Pasina izvozvo, iye ndiye anosaramo!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>