MAONERO EDU: Maporofita nen’anga: Veruzhinji ngwarirai

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
MAONERO EDU: Maporofita nen’anga: Veruzhinji ngwarirai

Kwayedza

MAZUVA ano vanhu vari kuzviti maporofita kana n’anga dzemandiriri vari kuwanda zvikuru. Vamwe vacho vanenge vaine makore ari pasi pe20 okuberekwa izvo zvaunobva wazvishairwa shumo yazvo.

Semaonero edu, havasi vose vari kuzviti maporofita kana n’anga vari pachokwadi nekuti vazhinji vavo ndevenhema kana kuti maguruvhani.

Tinodaro nekuti kune nyaya dzakawanda dziri kubuda zuva nezuva pamusoro pevanhu vakadai ava apo unonzwa kuti mumwe wavo akabata munhukadzi chibharo kana kuti atora upfumi hwemunhu nechikiribidi.

Hongu, minana kana kuti zvishamiso zvakagara zviriko asi munguva yatiri zvave kutoda munhu ane mweya wekunzvera kuti azive chokwadi nenhema.

Izvi zvakakosha nekuti kune vamwe vanhu vari kuita sechamupupuri vachingotevera muporofita kana n’anga yose-yose yavanenge vanzwa kuti yaita mukurumbira.

Kunyangwe Bhaibheri shoko raMwari chairo rinoyambira pane imwe ndima kuti vanhu vanofanira kungwarira maporofita enhema ayo anonzi achawanda mumazuva ekupedzisira.

Nekuda kwekutsvaga ruponeso pamwe nezvimwe zvakasiyana, kumachechi kuri kuzara nevanhu zvinove zvisina kuipa.

Asi semaonero edu, vanhu ngavarege kungoita gundamusaira rekutevera wose-wose anenge angozviti muporofita nekuti vanozoyeuka bako mvura yanaya.

Semuenzaniso, svondo rino tine imwe nyaya yemuporofita anonzi akatova chitunha kwehusiku hwose pamwe nekuchinamatira achida kuti chimuke asi zvikaramba.

Sekutaura kwemuporofita uyu, anoti chitunha ichi, icho chaive chemukuwasha wake, chichamuka chigofamba zvakare pasi rino.

Muporofita uyu anopa muenzaniso waJesu Kristu mwanakomana waMwari uyo akamuka kubva kuvashakabvu.

Pamusoro pazvo, anopawo zvakare muenzaniso waRazaro uyo akamutswa naJesu Kristu kubva kuvafi achiti ndizvo zvichaitika kumukuwasha wake.

Hongu, minana yakagara iriko uye icharamba ichiitika asi zvave kuda huchenjeri pamwe nekunzvera kuti vanhu vazive chokwadi nemanyepo.

Nhasi uno kune mamwe maporofita nen’anga dzenhema vari kuita zvose-zvose nechinangwa chekutsvaga mbiri vachida kuti vanhu vakawanda vauye kuzoshandirwa navo zvinoitawo kuti vawane mari nehumwe upfumi.

Vamwe vavo zvakare vari kusiya vapesananisa mhuri mushure mekunge mumwe wemumhuri anangwa huroyi zvisinei nekuti panenge pasina umboo hwakazara.

Chinoshamisa ndechekuti zvisinei nekuti veruzhinji vanogara vachiyambirwa kuti vangwarire n’anga nemaporofita enhema, kune vamwe vanoramba vakaisa zvimiti munzeve asi pakupedzisira vazochema.

Regai vakuru vataure havo kuti kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>