MAONERO EDU: Mitauro yemuno, kwete yekunze!

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUZIMBABWE mune mitauro ine chitsama yakakosha iyo inoenderana nemarudzi emuno.

Hurumende nezvizvarwa zvenyika ino vakaona kukosha kwemitauro iyi, iyo inokwana 16, zvikaita kuti iiswe bumbiro remutemo wenyika, reConstitution of Zimbabwe Amendment (No. 20) Act 2013.

Pasi pemutemo, ibasa reHurumende kuona kuti mitauro iyi yasimudzirwa uye kuti yadzidziswa zvakazara muzvikoro.

Mitauro inorehwa iyi inosanganisira Shona, Ndebele, Chewa, Tonga neNdau inoratidza kuti haisi kukosheswa sezvinotarisirwa pasi pebumbiro remutemo wenyika. Tinodaro nekuti kune zvikoro zvisiri kudzidzisa vana mitauro yerurimi rwaamai uye chikonzero chikuru chiri chekuti zvikoro izvi zvinotarisira mitauro yemuno pasi.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, mazuva mashoma adarika vakaratidza kutsutsumwa kukuru pamusoro pezvimwe zvikoro zvakazvimirira izvo zvisiri kudzidzisa vana mitauro yakaita seShona. Dr Dokora vanoti zvikoro zvisiri kutevedza zviri mubumbiro remutemo izvi zvinosvika 22 zvisinei nekuti kune zvimwe zvinogona kunge zvisiri kudzidzisa zvidzidzo zvakadai asi zvisati zvave kuzivikanwa.

Gurukota iri rinoti zvikoro zvose zvinosungirwa kudzidzisa mitauro yemuno pasina kana kupokana.

Dr Dokora vanoti zvakare zvidzidzo zvemitauro yemuno zvinofanirwa kuitwa kubvira padanho reEarly Childhood Development (ECD).

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti kune vamwe vana vechikoro zvakare vasingade kuita zvidzidzo zvemitauro yemuno nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Vamwe vadzidzi vane pfungwa dzekuti zvidzidzo zvakaita seShona neNdebele hazvivabatsire mune ramangwana nekuti kana vachitsvaga nzvimbo, dzingave dzechikoro kana kumakoreji nemumabasa, hakukosheswe mitauro yerurimi rwaamai.

Kazhinji, pangave pakutsvaga mabasa kana nzvimbo dzechikoro kumayunivhesiti, kakawanda kacho zvinonzi kunodiwa munhu anenge akapasa zvidzidzo zvishanu asi zvichisanganisira English, Mathematics neScience.

Izvi zvinoreva kuti zvidzidzo zvemitauro yakaita seTonga kana kuti Ndau hazvitungamidzwe mberi kunze kwekunge mudzidzi achida kuita kosi inoenderana nezvidzidzo zvakadai.

Semaonero edu zvakakosha kuti mitauro yemuno ikosheswe uye kuti ipihwe chiremerera chakakodzera kuburikidza nekuti Hurumende idzike mutemo wekuti hapanai mudzidzi anokwanisa kuwana nzvimbo payunivhesiti kana koreji kana asina kupasa chidzidzo chimwe chete chemitauro yemuno. Izvi zvinofanirwa zvakare kuitwa pakutsvaga mabasa uye tine idi kuti kana zvikadaro mitauro yemuno inove nekusimukira kukuru.

Tinodaro nekuti nhasi uno nyika dzine chitsama idzo dziri kusimukira dzakaita seChina neJapan zvizvarwa zveko zvinokoshesa mitauro yavo, kwete yekunze. Kunyika dzakai idzi zvidzidzo zvakaita seScience pamwe chete neMathematics zvinoitwa nemitauro yeko vadzidzi vachibudirira. Saka muZimbabwe zvingakone nei?

Nyaya iyi inoda kuzeyewa zvakazara poitwa chisungo chakananga kusimudzira mitauro yemuno.

Hongu, zvakanaka kuisa mutemo wekuti mitauro yemuZimbabwe isimudzirwe asi izvi zvinoda kutsigirwa nematanho akasimba pasina zinyeke-nyeke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>