MAONERO EDU: N’anga, maporofita vapesanisa mhuri

10 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
MAONERO EDU: N’anga, maporofita vapesanisa mhuri

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru, yevarume vatatu vemhuri imwechete vekwaMutambara, kuChimanimani, avo vari kupomerwa mhosva yekuponda babamukuru wavo vachiti ndivo vaikonzeresa matambudziko avari kusangana nawo semhuri.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi varume ava vakanzwa zvichiporofitwa kuti babamukuru wavo ndiye aivapa rushambwa rwekuti vatambudzike muupenyu.

Vatatu ava, avo vachiri kutsvagwa nemapurisa sezvo vachinzi vakatiza mushure mekupara mhosva iyi, vari kupomerwa zvakare kuba chitunha chemushakabvu uyu muchipatara ndokunochitsveta pamba pake.

Nyaya dzemhuri dziri kupesana kana kurwisana mushure mekunangana huroyi dzinoratidza kuti dziri kuwanda.

Kazhinji vanaTsikamutanda, n’anga nemaporofita venhema ndivo vari kukonzera nyonganyonga mumhuri apo vanopumha vanhu huroyi.

VanaTsikamutanda ava chinangwa chavo chikuru chinenge chiri chekuda kurozva vanhu pfuma yavo inosanganisira mari, zvipfuyo nemimwe midziyo.

Kune vamwe vanosvika padanho rekunwisa vanhu mushonga unozivikanwa nekunzi muteyo apo vanhu vanonzi vanoita mabasa ehuroyi vanotanga kureurura asi kazhinji ingori nzira yekutsvaga mari.

Vamwe vanhu vakatofa mushure mekunwiswa muteyo uyu.

Pasi pemutemo wenyika zvehutsikamutanda hazvitenderwe zvisinei nekuti kune vamwe vachiri kuzviita.

Kunyangwe kunanga munhu huroyi pasina umbowo hwakakwana imhosva huru zvakare.

Nyaya inonetsa ndeye kuti kune vamwe vakuru vematunhu vanosanganisira masabhuku vanodyidzana navanatsikamutanda ava.

Vakuru vematunhu ava vanosvika padanho rekumbunyikidza vagari vemunharaunda dzavo kuti vapinde muzvirongwa zvinenge zvichiitwa nanatsikamutanda izvi.

Asi kana pachinge paparwa mhosva seyakatarisana nevarume vatatu vemumhuri imwe chete vekwaMutambara ava, nyaya yacho inenge yokwidza makata.

Kana zvasvika pakadai muporofita kana tsikamutanda anenge akapumha munhu huroyi anenge otambira kure uye asingade kupinzwa munyaya dzakadai nekuti anoziva kuti imhosva huru.

Veruzhinji vanofanirwa kungwarira maguruvhani akadai anokonzera nyonganiso nekurwisana mumhuri.

Kune maporofita nen’anga venhema vakamirira kudya zvemarema kuburikidza nekudyara mhodzi yekuti mhuri dzipesane.

Upenyu hwemunhu hunokosha nekudaro hunofanirwa kuchengetedzwa.

Pachivanhu, kana munhu akauraya mumwe kunyangwe akasungwa akaendeswa kujeri kunopika, anofanirwa kuzoripa ngozi nekuti mushonga wayo kuripa chete.

Hazvina kunaka kupinza mweya yakaipa yakadai sengozi mumusha nekuda kwezvinhu zvinokwanisa kudzivirirwa.

Chinonetsa ndechekuti kune vamwe vane pfungwa dzekuti munhu wose achembera anoita mabasa ehuroyi.

Kwete, kurarama makore akawanda panyika pano inyasha dzinobva kuna Mwari.

Share This:

Sponsored Links