MAONERO EDU: Nyaya dzebvunzo dzinoda kuwirirana

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MaZUVA ano kune nyaya iri kutsviriridza zvikuru, nyaya yakatangwa namuzvinafundo Caiphus Nziramasanga yekuti vadzidzi muzvikoro vachiregedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 neO-Level. Ongororo yakaitwa naDr Nziramasanga nekomiti yavo inoti bvunzo idzi hadzisisina basa uye dziri kungodhura kudzironga zvose nekunyorwa kwadzo.

Dr Nziramasanga, avo vakatungamirira ongororo yaive yakananga kutsvaga nzira dzekuvandudza dzidzo muZimbabwe, yePresidential Commission of Inquiry into Education and Training Report, vanoti bvunzo idzi dzakamboda kubviswa mugore ra1997 asi hurongwa uhu hukazoregedzwa apo pakagadzwa dare idzva reCabinet.

Sekutaura kwaDr Nziramasanga, bvunzo dzeGrade 7 neO-Level dzinofanira kubviswa uye vadzidzi voongororwa nguva nenguva kubvira kukireshi kusvika A-Level pasina kunyorwa kwebvunzo.

Asi vamwe vabereki nevana vechikoro vari kupokana nepfungwa idzi vachiti bvunzo dzeGrade 7 neO-Level dzinofanira kuramba dzichinyorwa nekuti dzakakosha.

Vanotiwo kumiswa kwekunyorwa kwebvunzo kunogona kukanganisa budiriro yavepo muchikamu chedzidzo, iyo yaona Zimbabwe ichienda pamusoro pedzimwe nyika dzose dzemuAfrica pakuve nevanhu vanogona kuverenga nekunyora.

Vabereki nevana vechikoro ava vanoti zvakare kana bvunzo idzi dzikabviswa zvinozonetsa kuti vadzidzi vanenge vapedza Grade 7 vaende kuForm 1 kana kuti avo vanenge vapedza O-Level vaende kuForm 5 nekuti panenge pasina chiyero kana kuti chikero chekuona ruzivo rwavo.

Gakava rekuti bvunzo idzi dzibviswe kana kuti kwete riri kuuya panguva iyo vakuru vezvedzidzo kudunhu reMatabeleland North vakatodzosa kunyorwa kwebvunzo dzeZimbabwe Junior Certificate (ZJC). Dunhu iri rinonzi rine zvikoro zvesekondari zvinosvika 15 izvo zvisina kana mwana mumwe akapasa pabvunzo dzakanyorwa gore rapera. Mukuru anoona nezvedzidzo kuMatabeleland North, Mai Boithatelo Mnguni, vanoti bazi ravo rine chinangwa chekuti vadzidzi vabudirire mubvunzo, nekudaro vakaona zvakakosha kuti vadzose kunyorwa kweZJC.

Zvakakosha kuziva zvakare kuti mugore ra2013, Hurumende yakambova nepfungwa yekudzora bvunzo dzeZJC senzira yekusimudzira kubudirira kwevana nyika yose.

Bvunzo idzi dzakamiswa kunyorwa nyika yose muna 2000 nekuda kwekuoma kweupfumi sezvo zvakaonekwa kuti kurongwa nekunyorwa kwadzo zvaidhura.

Semaonero edu, kunyorwa kana kusanyorwa kwebvunzo dzeGrade 7 neO-Level, zvakakosha kuti patorwe matanho anoita kuti dzidzo yeZimbabwe isimbe kudarika zvairi.

Izvi zvinobva mukunzwisisana kwemativi ose – Hurumende, vabereki, vadzidzi nevamwe vanoita zvedzidzo. Izvi bedzi ndizvo zvinopedza matambudziko angange aripo, budiriro yenyika yofambira mberi.Zvakakoshawo kuongorora kuti sei dunhu reMatabeleland North rakati bvunzo dzeZJC dzichitange kunyorwa zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>