MAONERO EDU: Remwangwana rirongere

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
MAONERO EDU: Remwangwana rirongere Alfonso Zvenyika

Kwayedza

MUUPENYU, chimwe nechimwe chine nguva yacho uye kana munhu akawana mukana wekusimudzira upenyu hwake, anofanirwa kuubatisisa oushandisa nemazvo.

Kune vanhu vakawanda nhasi uno vari kukungura kuti vakatambisa mikana yavakawana yekuti upenyu hwavo hunge huchisimukira.

Semuenzaniso, svondo rino tine nyaya yaAlfonso “Mosquito” Zvenyika – uyo akaita mukurumbira mumutambo wetsiva makore adarika.

Muchinda uyu panguva yaaitamba tsiva akasvika pakuhwina mukombe mukuru weCommonwealth Light Flyweight Championship mugore ra1998 mushure mekukunda Paul Weir wekuScotland.

Mbiri yake yakafamba pasi rose izvowo zvakasimudza mureza weZimbabwe.

Asi, nhasi uno Zvenyika ari kudemba kuti haana kushandisa mukana waakawana zvakanaka.

Sekutaura kwake, anoti upenyu hwaari kurarama nhasi uno hauenderana nembiri yaakaita mumutambo wetsiva.

Zvenyika haasi kunyara kubuda pachena kuti ave kudya nhoko dzezvironda.

Anopawo yambiro kune vamwe vanhu – zvikuru vechirume – kuti vashandise mikana yavanenge vawana uyewo vosiyana nekutevedza madhirezi.

Zvenyika anofanirwa kurumbidzwa nekubuda pachena kwaari kuita uye nekupa vamwe yambiro.

Tinodaro nekuti kune vamwe vanhu vekuti kana vakatambisa mikana yavanenge vawana yekuzvisimudzira muupenyu, vanohwanda nezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira kuti pane anenge akavapa munyama kana kuvaroya.

Kune vamwe vatambi vetsiva vane mukurumbira vakadai saFloyd Mayweather wekuUnited States of America uyo ari kushandisa mukana wake nekuronga remangwana rake.

Mayweather mumwe wevanhu vanoita zvemitambo yakasiyana vakapfuma zvikuru pasi rino.

Zvakakosha kuziva kuti Zvenyika handiye oga munhu akaita mukurumbira munyika muno munyaya dzezvemitambo ari kuchema kuti nhamo yamutamba tsvina.

Kune vaimbi nevatambi venhabvu vane chitsama avo nhasi uno vari kurarama upenyu hunopisa tsitsi mushure mekutambisa mikana yavakawana panguva iyo vaive vaine mukurumbira, vachiita mari.

Nyaya yekurongera remangwana haizi yevanhu vane mukurumbira chete, asi kuti ndeyemunhu wose.

Pane chirevo chinoti shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva ichiripo zvichireva kuti munhu anofanira kugadzirira remangwana rake.

Kana munhu awana mukana anofanira kusimudzira upenyu hwake.

Kazhinji munhu akawana mukana muupenyu uye akautambisa, kana mangwana mumwewo munhu akazowaniswa mukana wake, iye anonzwa godo.

Pakadai apa ndipo panobva mweya wehuroyi asi munhu achikanganwa kuti akawaniswa mukana wake akautambisa.

Mukana unofanirwa ushandiswa nemazvo uye zvizere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>