MAONERO EDU: Tsvaga chaita musoro uteme

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU: Tsvaga chaita musoro uteme

Kwayedza

MAZUVA ano kune kumwe kusanduka kunogona kuitika pamuviri wemunhu zvichikonzerwa nemishonga kana mapiritsi aanenge achinwa.

Kazhinji, kana vamwe vakaona paiita kusanduka kwemiviri yavo, vanomhanyira kufungira kuti vanogona kunge vakaroyiwa asi iro riri dambudziko rinoda kuti vanovhenekwa kuchipatara kana kukiriniki.

Muenzaniso ndeweimwe nyaya yaiva muKwayedza resvondo rapera, nyaya yemurume wekwaMambo Njelele, kuGokwe, uyo akaendesa mudzimai wake kudare achiti ndiye akamuroya kuti amere mitumba yemazamu.

Mukubuda kwenyaya iyi, murume uyu anoti mudzimai wake akamuudza kuti ane zvidhoma zvinofarira mukaka saka nekudaro ndizvo zviri kuyamwa mazamu ake. Asi zvakadaro, murume uyu anoti zvakare ari kunwa mapiritsi anorapa chirwere chinonzi Elephantiasis, icho chinokonzerwa neutachiona hwemajemisi (parasitic worms). Chirwere ichi chinonzi chinogona kukonzera kuzvimba kwedzimwe nhengo dzemuviri semazamu, makumbo kana sikarudzi. Sekutaura kwemurume uyu, pakutanga akambofunga kuti mapiritsi aari kunwa aya ndiyo ari kukonzera kuti amere mitumba yemazamu.

Semaonero edu, pfungwa dzakange dziine murume uyu pakutanga dzaive dzakanaka uye chaaifanirwa kuita kuenda kuchipatara onovhenekwa dambudziko rekukura kwemazamu ake rozivikanwa kwazviri kubva.

Iyo pfungwa yaakazoita yekufungira kuti mudzimai wake ndiye ari kumuroya kurasika chaiko. Izvi zvinoreva kuti kuseri kwepfungwa dzake kwakagara kuine kamweya kekuti anokanganiswa nemudzimai wake. Pakazongobuda mazamu, iye akabva ati ndizvozvo. Ndokusaka vakuru vachiti, “N’anga yapumha huroyi kumunhu wawagara uchifungira ndiyo inoona.” Unenge wagara unazvo mumusoro. Vakawanda vane pfungwa dzekuti kana vakangoona zvavasinganzwisise pamiviri yavo, votofunga kuti varoyiwa.

Mazuva ano kune zvirwere zvakawanda zvinogona kubata munhu izvo zvinosanganisira gomarara. Zvirwere zvakaita segomarara zvinoda kukasika kuvhenekwa pamwe nekurapwa zvisati zvadingindira mumuviri.

Izvi zvakakosha nekuti kana denda rikakasika kuvhenekwa, rinoita nyore kurapa. Zvisinei, vakawanda vanonoka kunovhenekwa pamwe nekurapwa zvirwere zvakasiyana nekuda kwefungidziro yekuti vanenge varoyiwa.

Wadii watanga wavhonekwa kutira kuti denda chairo rionekwe. Ndokusaka muimbi Oliver Mtukudzi akaimba kuti tanga watsvaga chaita kuti musoro uteme.  Nguva yadarika, bepanhau reKwayedza rakamboburitsa nyaya dzemadzimai matatu anoti wekuDomboshava, Norton nekuMufakose, muHarare, avo vaive nematumbu akakurisa ndokuguma vose voti vane mimba dzisiri kuzvarwa nekuda kwekuti vakaroyiwa. Sekutaura kwemadzimai aya, vaive nekufungidziro yekuti pane vanhu vakavapinga kuti vasasununguke “mimba” dzavanga vakatakura kwemakore. Izvi zvakonzera kuti vafambe kumaporofita nekun’anga asi hapana zvakasanduka.

Vatatu ava vakazobatsirwa nekuvhiyiwa pachena kuchipatara cheChutungwiza Central Hospital mushure mekubuda kwenyaya muKwayedza, zvikaonekwa kuti matumbu aya ainge akonzerwawo nezvimwe, kwete kuroyiwa. Vose vakaburitswa mazinyama – izvo zvinonzi nemachiremba zvinoitika.

Semaonero edu, zvakakosha kuti veruzhinji vagare vachivhenekwa zvirwere zvakasiyana, kungave kuchipatara kana kukiriniki. Varapi vechivanhu, kusanganisira maporofita, vanofanira kukurudzira varwere vavanenge vachibatsira kuti vaendewo kunorapwa kuzvipatara. Hongu, nyaya dzekuroyana dzinogona kunge dziriko, asi izvi hazvireve kuti kana munhu achinge arwara ngaarege kuenda kuchipatara onoongororwa. Utano hwakakosha nekudaro hunofanira kuchengetedzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>