MAONERO EDU: Upenyu pamberi, zvimwe mushure

14 Aug, 2020 - 00:08 0 Views

Kwayedza

SVONDO rapera Hurumende yakatora danho guru mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 pakati pevashandi vayo izvo zvakaona ichidzikisa huwandu hwevari kuuya kubasa kusvika pachikamu che15 percent.

Izvi zvinoreva kuti pari zvino chikamu che85 percent chevashandi veHurumende havasi kuenda kumabasa kunyangwe zvazvo vachigara vakagadzirira kuitira kana basa razowandisa kana kuti vari pabasa vave kuda kumbozorora.

Hurumende ndiyo inopinza vanhu vakawandisa mabasa munyika muno sezvo vashandi vayo vachisvika 300 000.

Izvi zvinoreva kuti vashandi vayo 45 000 chete ndivo vari kuenda kubasa pari zvino uye chinangwa chikuru chiri chekumisa kupararira kweCovid-19.

Zimbabwe kusvika pari zvino yave nevanhu vanodarika 4 700 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pahuwandu uhu, 1 524 vakatonaya asi vamwe 104 vakafa.

Danho rakatorwa neHurumende iri rekumisa chikamu che85 percent chevashandi vayo kuti vasauye kubasa harizi nyore.

Tinodaro nekuti hapana basa risina kukosha asi Hurumende yakaona zvakakodzera kumbomisa vamwe vashandi nechinangwa chekuchengetedza utano hwavo.

Harizi dambe kutora matanho akadai asi hapana zvekuita panguva ino nekuti chakakosha kuchengetedza upenyu.

Zvakakosha kuti mamwe makambani atevere matsimba eHurumende aya nekuti hondo yekurwisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 inoda mukomberanwa.

Kana makambani akazvimirira pamwe nemapoka akasiyana akatevedzera zviri kuitwa neHurumende, zvinove nyore kurwisa kutapurirana denda ranetsa pasi rose iri.

Zviri pachena kuti Covid-19 yave kumativi mana eZimbabwe nekuti kumapurovhinzi ose ari gumi, vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Zvinotoshamisa kuona kuti kune vamwe vanhu vasiri kukoshesa matanho ari kutorwa neHurumende mukudzivirira kupararira kweCovid-19.

Hurumende yakaisa chirongwa chekuti veruzhinji havatenderwe kufamba husiku kubva nenguva dza6pm kusvika na6am, asi kune vamwe vachiri kungoita madiro sezvinonzi hakuna Covid-19.

Kana kupfeka mamask chaiko kune vasisapfeke.

Iwe ndiwe aniko usingakoshese nyaya dzekumisa kupararira kweCovid-19 kana Hurumende chaiyo iri kushanda siku nesikati pamwechete nemamwe mapoka mukurwisa chirwere                                                               ichi?

Kutevedzera matanho ose ari kukurudzirwa muhondo yekumisa kupararira kwechirwere ichi kunobatsira iwe pachako kwete Hurumende.

Nekudaro hazvina huchenjeri kuti munhu azopfeka mask aona mapurisa kana kuti vamwe vabati vemutemo.

Zvakakosha kuziva kuti pari zvino mararamiro evanhu asanduka uye acharamba achisanduka nekuda kweCovid-19.

Izvi hazvisi kuitika muZimbabwe chete asi kuti pasi rose nekuti chirwere ichi chazunguza kunyangwe nyika dzine upfumi hwepamusoro-soro dzinonzi dzakabudirira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>