MAONERO EDU: Vana vane kodzerowo

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

NEMUSI weChipiri svondo rino, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva revana, reDay of the African Child.

Zuva iri rinocherechedzwa musi wa16 Chikumi gore rega-rega nedonzvo rekuchengetedza kodzero dzevana pamwe nekusimudzira raramo yavo.

Izuvawo rekurangarira vana vakauraiwa nemabhunu kunyika yeSouth Africa panguva yehutongi hwevachena kuSoweto mugore ra1976 apo vana vakawanda vakapondwa pavairatidzira vachitsutsumwa nekuda kwehudzvanyiriri hwaiitwa munyaya dzedzidzo.

Pamusoro pezvo, zuva iri rinopa mukana kuti vose vanoona nezvekodzero dzevana neraramo yavo muAfrica vaise misoro pamwe chete panyaya iyi.

Zvakadaro, kuchiri nematambudziko ane chitsama ayo ari kusanganikwa nayo nevana mukurarama kwavo zuva nezuva.

Matambudziko aya anosanganisira kushandiswa kwevana vasati vayaruka mumabasa asina zera navo kune dzimwe nyika pamwe nekuve mauto vachirwa muhondo kunyika dzisina kugadzikana.

Kune vamwe vanasikana vachiri kuroodzwa dziri ndumurwa zvakare kunove kutyora kodzero dzavo pamwe nekukanganisa ramangwana ravo.

Zvikonzero zvinoita kuti vana ava varoodzwe zvinosiyana-siyana uye dzimwe nguva zvinokonzerwa nehurombo nezvitendero zvevabereki vavo.

Kune mamwe machechi anokurudzira kuroorwa kwevana vasati vayauka uye ibasa remasangano anomiririra mekereke aya pamwe nevamwe kuti vape dzidziso yakasimba kuitira kuti tsika iyi iregedzwe.

Pasi pemutemo webumbiro renyika, wose ane makore ari pasi pe18 okuberekwa anotorwa semwana zvichireva kuti anofanira kuchengetedzwa.

Asi chinonetsa ndechekuti pari zvino kune nhaurwa iri kutsviriridza apo vamwe vari kuti mwana ane makore 12 okuberekwa ane kodzero yekusarudza zvaanoda.

Kwete, hakuna zvakadaro, mwana ane makore 12 haakwanise kusarudza kuti anoda kuita zvebonde here kana kuti kwete.

Zvakakosha kuti nhaurwa iyi ijekeswe zvizere nekuti zvikasadaro nyika inopedzisira yatarisana nematambudziko makukutu ekumbunyikidzwa pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevana.

Izvi zvakare zvinozoita kuti budiriro yose yavepo mukusimudzira kodzero neraramo yevana idzokere kumashure.

Semaonero edu, nyaya iyi yakada kufanana nechikumbiro chakaitwa nemamwe masangano kubazi redzidzo yepuraimairi nesekondari nguva yadarika, chekuti muzvikoro muiswe makondomu.

Tinotenda zvikuru gurukota Cde Lazarus Dokora, nekuramba kwavakaita kutambira chikumbiro chemasangano aya nekuti muzvikoro maipedzisira mave Sodhoma neGomora chairo.

Hurumende yeZimbabwe iri kutora matanho akatsaukana ekusimudzira raramo yevana ayo anofanirwa kusimbisiswa nekutsigirwa nemunhu wose.

Matanho aya anosanganisira kudzika nekuvandudza mitemo inochengetedza kodzero dzevana kuti ifambirane nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>