MAONERO EDU: Zvikoro, vabereki shandai pamwe

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE inozivikanwa zvikuru pasi rose munyaya dzedzidzo. Ndiyo nyika iri pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora.

Budiriro iyi yakavepo nekuda kwekushanda nesimba kweHurumende pamwe nemapoka anoona nezvefundo akasiyana. Mushandirapamwe uyu unofanira kurumbidzwa.

Zviri pachena kuti Hurumende yoga haingakwanise kusimudzira chikamu chedzidzo, inotodawo rubatsiro nekuti chako woga mukonde wesadza.

Nekudaro tinorumbidza zvikuru vabereki vari kushanda kuburikidza nemasangano anovamirira muzvikoro, emaSchool Development Committees (SDC) mukusimudzira zvikoro.

Semuenzaniso, svondo rino tine imwe nyaya yechikoro cheKuwadzana High 2, muHarare, icho komiti yepo yakabatana nevakuru vechikoro ichi mukutenga bhazi pamwe nekuvakisa kamuri yevana yekuitira zvidzidzo zvesainzi. Chokwadi chakanaka, chakanaka mukaka haurungwe. Mabasa akadai anofanira kupembedzwa uye zvakanakawo kuti vamwe vatevedzere.

Vachivhura zviri pamutemo kamuri yekudzidzira itsva iyi pamwe nekukumikidza bhazi rakatengwa, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakarumbidza zvikuru mushandirapamwe wevabereki nevakuru vechikoro cheKuwadzana 2 High.

Vanoti bazi ravo richaramba richipa rubatsiro kuzvikoro zvakadai.

Zvakakosha kuti Hurumende, vabereki nevakuru vezvikoro varambe vachishanda pamwe chete mukuvandudza chikamu chedzidzo kuti chienderere mberi nekusimukira.

Kune zvikoro zvine chitsama zvinofanira kunge zvichivakwa, zvikuru kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva, nekudaro Hurumende yoga haingakwanisi kuita zvose. Vamwe vana zvakare vachiri kufamba nzendo refu kuenda kuzvikoro saka panoda kutorwa matanho ekupedza matambudziko akadai. Kunze kwekuvakwa kwezvikoro, panodiwa zvekushandisa zvakaita semabhuku ekuverenga neekunyorera nekudaro izvi zvinoda kuita muonera pamwe sechuma chemuzukuru.

Nekune rimwe divi, ivo vadzidzi – vana vechikoro – vanofanira kukoshesa zvidzidzo zvavo sezvo dzidzo iri nhaka yeupenyu.

Hazvifadzi kunzwa kuti vadzidzi veO-Level kana A-Level vari kudofora mubvunzo dzavo sezvinonzi zviri kuitwa paKuwadzana 2 High asi vana ava vachiwaniswa zvose zvinodiwa.

Sekutaura kwaDr Dokora, pachikoro ichi kubvira mugore ra2009 paingoburwa zvikamu zvekupasa zvakadai se5% kusvika pa30%.

Kwete, kukundikana kwakadai uku hakufadze, vadzidzisi pamwe nevana vechikoro vanofanira kutokunya dzisimbe. Zvakakosha kuziva kuti chikoro ichi handicho choga chine vana vari kudofora sezvo kuine zvimwe kumativi mana enyika. Vabereki vevana vepaKuwadzana 2 High zvakare vanonzi vane chikwereti chelevy chinosvika $164 000.

Kusabhadharwa kwemari yechikoro nenguva kunodzosera budiriro yedzidzo shure uye hazvina kunaka kuti mubereki aendeswe kudare nenyaya yekusabvisira mwana mari yefundo nekuti zvinonyadzisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>