Mimba yaramba kubata

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

KUTANGA ndinoti kusimba kwamuri Tete Chipangamazano.
Ndiri mudzimai ane makore 38 okuberekwa, ndakawanikwa uye ndine vana vatatu, mukuru wacho abva zera zvekuti ave kutoda kuwanikwa.
Dambudziko rangu tete nderekuti imba yangu yave kuda kuparara nekuti vamwene vangu vari kuti vana vatakaita nemurume wangu vashoma.
Apa ini pamuviri pacho pari kutoramba kubata, apa murume ave kuda mumwe mwana.
Chero zvazvo pamuviri pasiri kubata tete, nezera randave rekuti mwana musikana ave kuda kutoroorwa sezvo mukomana wake akatoenda kwatete, zvinozopa chimiro chakaita sei?
Vamwene vakatombounzira murume wangu mukadzi kuti vagarisane, asi ini ndakafambawo mukadzi uyu akaenda.
Ndoitawo sei kuti imba yangu isaparare, pamuviri paramba kubata.

Tatekerai Chirandu.
Murehwa.

MHINDURO:
Muzukuru dambudziko rako harinetsi iri, murume wako kunyangwe ari kuunzirwa vakadzi achiramba, zvinoratidza kuti anokuda.
Hauna kuzenge wataura kuti makambogara mese pasi here nemurume wako muchionesana nezvirikuitwa navamwene vako.
Zano randingakupa muzukuru nderekuti iwe nemurume wako endai kwachiremba munonzwa kuti sei zviri kuramba mumwe musi mune mishonga yamungapihwa kuti pamuviri pabate.
Zvekunyara kuti nhingi achati chakati hazvina zvazvinobatsira.
Pazera rako unokwanisa kuita vana mudikani nekuti uchiri kure nenguva iya yekuguma kutevera.
Ndapota shingirira imba yako uye amwene wako usavavenge, Mwari vachakubatsira.
Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>