Munhukadzi ndiko kuti mhuri – Nyoni

27 May, 2021 - 13:05 0 Views
Munhukadzi ndiko  kuti mhuri – Nyoni Dr Sithembiso Nyoni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA revanhukadzi nekusimudzirwa kwemabhizimisi madiki neari pakati nepakati, Cde Sithembiso Nyoni, vanoti vanhukadzi vakakosha zvikuru mukusimbaradzwa uye kuchengetedzwa kwemhuri.

Vakataura mashoko aya pamhemberero dzekukosha kwemhuri dzeInternational Families Day muguta reHarare idzo dzinoitwa nemusi wa15 Chivabvu pagore.

“Zuva reInternational Day of Families rakavapo kuburikidza nesangano reUnited Nations Resolutions 47/237 nemusi wa20 Gunyana 1993 nechinangwa chekutsigira kukosha kwemhuri. Izvi zvinofambirana nemutemo uri maringe nekukosheswa kwekodzero dzevanhu weUniversal Declaration of Human Rights and the Convention on the Elimination of all Forms of Discrimination Against Women (CEDAW). Nyika inovakwa nekuvapo kwemhuri uye bumbiro remutemo redu muchikamu 25 rinotaura nezvekukosha kwemhuri,” vanodaro Cde Nyoni.

Vanoti zvakakosha kuti mhuri dzigare murunyararo kuitira kuti munyika musave nemhirizhonga.

“Zuva iri rinocherechedzwa pasi rose nechinangwa chekuona kuti mhuri dzaziva mabasa adzinofanira kuita senzira yekusimudzira upfumi hwenyika, kuzivisa veruzhinji maringe nezvekukosha kwemhuri uye mamwe ematambudziko ari kusanganikwa nawo kuti angapedzwa sei,” vanodaro.

Gore rino, zuva iri rine dingindira rinoti “Kusanduka Kuripo Maererano Nebudiriro Inoendeka, Nemabasa Echizvino-zvino Mukubatanidza Mhuri”.

“Chinangwa chedingindira iri ndechekutarisa kukosha kwekufambiswa kwemashoko kuburikidza neruzivo rwechizvino-zvino rwakadai sembozhanhare, indaneti neFacebook, pakati pezvimwe.

“Munguva ino yeCovid-19, kufambiswa kwemashoko akanaka uye echenjedzo maringe nechirwere ichi kunosimbisa mhuri kuti dzive netariro,” vanodaro Cde Nyoni.

Vanoti munyika mune mhuri dzakasiyana sedzine vana bedzi, dzinotungamiririrwa naamai dzimwe nababa chete asi dzose dzinoda rudo uye kunyaradzwa nechengetedzo.

“Tiri kurwadziwa zvikuru nenyaya dzemhirizhonga idzo dziri kuwanda munyika apo vanasikana vari kumitiswa, kutorwa kwezvinodhaka, vabereki kana variritiri vevana avo vari kuenda kune dzimwe nyika vachisiya mhuri nedonzvo rekunoshava. Ngatiedzei kuona kuti mhuri dzedu dzagara murunyararo uye kuti tikwanise kugadzirisana zvakanaka apo vanhu vanosangana nematambudziko pane kutora upenyu kana kukuvadzana.

“Ruzivo rwechizvino-zvino ngatirwushandisei nenzira inovaka nyika pane kuiparadza,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>