Musakanganwe rudo rwemagamba

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

PANE mufaro unobatika mumaoko semwana. Mufaro iwoyo unopupuma sefuro resipo yakawanda. Ndakauona musi wawana Zimbabwe rusununguko. Takanga tichiri vadiki, asi takaona nhoroondo yenyika ichiitika. Zvizhinji zvakanga zvaitika mumazuva iwayo. Takanga taona makomuredzi achidzoka kubva kuhondo.

Kana makanga muine hama yakanga yakaenda kuhondo, yaive nguva yakaoma kwazvo nekuti vamwe havana kudzoka pakadzoka vamwe. Vamwe vakadzoka, asi vakanga vave zvirema. Vamwewo vakanga vave nematambudziko ekushaya hope nekusagadzikana.

Kudzoka kwemakomuredzi kubva musango kwaive chishamiso kuvazhinji vakanga vari mumadhorobha. Nekuti kekutanga, takanga tave kuona kuti vanhu vakanga vachinzi magandanga ane miswe, vaitovawo vanhu, kwete zvaishambadzwa nevachena.

Takatanga kuona vanhu vakanga vaseka rufu, vakazvipira kunorwira nyika vachidzoka. Takanga tave kuona vanhu vakanga vagara musango kwemakore nemakore vachidya zvisingadyike nekunwa zvisinganwike vachidzoka kumba.

Makomuredzi akanga agarisa musango zvekuti vazhinji vavo vaitoda kuti vatange vajairira kugara mudzimba. Yaive nguva yakaoma yekuti vachisiya zvemusango, vachitanga kufunga zvekuvaka Zimbabwe. Kusendeka pfuti vachitora mapadza vachirima, nekutora choko vachidzidzisa vana.

Inguva yakaoma kwazvo kuti kana wanga uchirwa, ungofuma usisiri kurwa. Inguva yakaoma kwazvo kuti kana wanga uchigara musango wakachenjera nekuti mhandu inogona kuuya chero nemuhama dzako, iwe uzowanikwa usisina pfuti yako, hondo yapera.

Kana wanga uchirwa hondo, kupera kwayo kunogona kukukanganisa mararamiro nemafungiro. Kupera kwehondo kunogona kupera kunze uko, asi kworamba kuri mukati mako iwewe wanga uchirwa. Hondo inogona kuramba iripo mumutauro wako, muhope dzako nemumafungiro ako.

Hazvisi nyore kuti kana wanga uri musango kwemakore mazhinji, ungozoerekana wave kurara pamubhedha, uchidya sadza usingamhanyemhanye, uchitogezawo, nekuchinja hembe uchikama musoro. Upenyu hwemuhondo ihondo. Upenyu hwemuhondo hauna magumbeze nemafiriji ane doro nezvimwe zvekunwa.

Nhasi uno tiri kupemberera makore 35 erusununguko, makore makumi matatu nemashanu Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere.

Makore 35 erusununguko, makore akawanda kwazvo. Kune vanhu vakazvarwa hondo yapera vanongoita zvekunzwa kuti muZimbabwe makanga muine hondo. Kwavari, hondo yerusunuguko inotaurwa nezvayo, inoita sengano yakaitika kune imwe nyika iri kure kure. Haina chainoreva kwavari, nekuti ivo vakazozvarwa hondo yacho yapera.

Havazive kuti zvinorevei kana zvichinzi kune vakarwa hondo. Havazive kuti kune vanhu zvirema pamwe chete nevana vakakura vasina vabereki nekuda kwehondo. Havazive kuti kune vanhu vakapisirwa misha, vamwe vakangotsakatika nekuda kwehondo.

Makore 35 erusununguko akawanda, zvekuti nyangwe vanhu vane hama dzakafira nyika vatove kukanganwawo kuti vane hama dzakafira muhondo dzichifira nyika. Asi kune vamwe vainge variko Zimbabwe isati yasununguka, nanhasi vachiriko, asi vasingakoshese ropa revana venyika ino avo vakafa muhondo. Ndiko kukoshiwa chezuro nehope!

Ndinozviziva kuti handigone kuudza munhu ari kubaya WhatsApp pafoni pake akazvinzwisisa kuti kune vakafa kuti agone kutenga foni inoenda paWhatsApp. Zvinhu zvakadai zvinoitika chaizvo. Vamwe vanhu havatane kudziirwa, zviya zvekuguta zvekusunda dura. Kana ana baba mudzimba vakajaira kuti ibasa ramai kuti vabike sadza, vanoona zvisisina basa kuti vatende kana vachinge vadya vakaguta.

Mazuva atawana rusununguko rwedu, rwune zvizhinji zvarwaireva kwatiri sevanhu vatema. Rusununguko rwedu rwaitishaisa hope kunge mukomana adiwa nemusikana waanga achirwarira. Taive nezviroto zvaipisa kunge moto nekuti taiziva nhamo inenge namo yakanga yaonekwa nevanhu vatema.

Nyangwe vanhu vaMwari muBhaibheri vaimbobatwa nemweya wehanganwa. Vaikanganwa kuti Mwari ndiani. Kana vakanganwa kuti Mwari ndiani, vobva vatanga kunamata vamwe anamwari venzvimbo dzavainge vapinda vakagara madziri.

Ikoko ndiko kunonzi kutengesa, nesuwo ngatirege kutengesa hunhu nenhaka yedu yakabva murudo neropa remagamba akafira Zimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>