Musoro wemombe une dovi

21 Jun, 2022 - 13:06 0 Views
Musoro wemombe une dovi

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU
naMuchaneta Chimuka
NYAMA yemusoro wemombe ine dovi kudya kunovaka muviri sezvo ichitipa mapuroteni akapamhidzirwa zvinoita kuti miviri yedu igare yakagwinya ichikwanisa kurwisa zvirwere.
Haidi kungobikwa nemafuta bedzi asi zvinoda kupotawo uchibika zvine musiyano kuti unyautse mukanwa.
Svondo rino Talent Chekero wekuZaka anotitsanangurira mamwe mabikirwo enyama iyi.

Zvinodiwa:
Chikari, chipunu, banga, nyama yemusoro wemombe yakaomeswa, munyu, mvura, matomatisi nedovi.

Mabikiro:
Gadza chikari pamoto, woisa makomichi mana emvura.
Kana yave kufashaira, geza nyama woicheka zvidimbu wozokanda muchikari.
Kwidibira zvimbokwata kwemaawa maviri uchipindura-pindura nekupamhidzira mvura.
Isa zvipunu zvitatu zvedovi, wokurunga kusvika zvava kukwata segwatakwata.
Chekerera matomatisi akaibva, wosiya zvichikwata.
Chiisa munyu mushoma woraidza kuti zvaringana here, wochizobura usavi hwako.
Munogona kudya nesadza remhando yamunoda.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713411281 kana kuti 0773 394 753.

Share This:

Sponsored Links