Mutemo wekumiswa basa

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Mutemo wekumiswa basa

Kwayedza

Danai Chirawu
MUBEPANHAU reKwayedza remusi wa8 Kurume 2019, takakurukura pamusoro pekodzero dzemumabasa takanyanya kunangana nekuti pamutemo zvii zvinotarisirwa kuti zvive mukondirakiti ine chekuita nebasa.

Mukuenderera mberi nenyaya iyi, tichatarisa mashandiro emutemo wemumabasa apo munhu anomiswa basa kana kuti parinonzi rapera.

Tisati taongorora mutemo uyu, zvakakosha kuziva kuti mushandi wose ane kodzero dzinomuchengetedza kubvira paanowana basa, paanoshanda nepanopera basa.

Chakakosha pamusoro pezvose ndechekuti pasawane anombunyikidza mumwe.

Kare, mutemo wemuZimbabwe waiti kana munhu ave kumiswa basa, anofanirwa kuziviswa nguva ichiripo iyo yaizivikanwa nekuti “fair notice”.

Asi pari zvino mutemo unoti hapana mushandirwi anofanirwa kumisa mushandi basa kunze kwekunge zvinotevera zvazadzikiswa:

  1. a) basa rapera zviri maringe nezvinodiwa pasi pemutemo
  2. b) mushandirwi nemushandi vawirirana kuti basa ripere kuburikidza nekunyorerana pasi
  3. c) kana mushandi ange achiita basa rake kwenguva yakatarwa
  4. d) kana pachinge paitika chigumura (retrenchment)

Panogona kuita imwe nguva yekuti mushandi anonzi aende paprobation nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Nguva yeprobation haifanire kudarika svondo rimwe chete kuvashandi vanozivikanwa nekunzi macasual workers uye mwedzi mitatu kune avo vanenge vaine makondirakiti enguva yakareba.

Kudzingwa basa kwemushandi zvisina tsarukano kunosanganisira zvinotevera: a) kana mushandirwi akamisa mushandi basa asina kumuzivisa achipa zvikonzero zvakadai sekushungurudza vamwe vashandi zvine chekuita nepabonde kana kushanda kwenguva yakareba asingapihwe muhoro wake.

  1. b) kana mushandi ange aine kondirakiti yenguva yakareba amiswa basa, ane kodzero yekuzotorwa pabasa apa zvakare achishanda kwenguva pfupi kana mukana wacho uchinge wamuka.
  2. c) tichitarisa muenzaniso wapihwa pamusoro, kana mumwe munhu akapinzwa basa rimwe chete asi asiri mushandi aimbovepo, aimbove mushandi uyu ane kodzero yekuenda kumatare anoona nezvemabasa kuti nyaya yake iongororwe.

Kana mushandirwi achida kugumura mushandi basa, anofanira kumuzivisa achipa zvikonzero zvacho pamwe nekuendesa magwaro ari pamusoro penyaya iyi kumakanzuru anoona nezvevashandi anosanganisira employment council, works council kana kuRetrenchment Board.

Kana mushandi achinge adzingwa basa, agumurwa kana kuti afa, anofanirwa kupihwa muhoro wake kusvikira panopera kondirakiti yake.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata panhare dzelandline dzinoti +263242 708491/+2630242 706676

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>