Mwari havatambe vachidaro

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA na Ignatius Mabasa
PANE zvinhu zviri kuitwa nevanhu mumachechi, asi zvinhu izvozvo hazvisi zvaMwari. Kudyisa vanhu makonzo, nyoka, matombo, huswa nevhudzi nekuti zvinenge zvichinzi zvanamatirwa zvikashandurwa neminamato. Aya ndiwo manyepo aSatani chaiwo!

Nesuwo vanhu takapihwa pfungwa naMwari tinodzoka toti tikange tapinda mumachechi, hatichafunga, hatichazvibvunza kuti zviri kuitika izvi zviri mushoko raMwari here kana kuti zvave zvinhu zvevanhu.

Pamabiko aMwari muBhaibheri hapana kumbodyiswa vanhu nyoka nemakonzo. Nebhukadhineza akadya huswa nekuti akanga achida kuratidzwa kuti Mwari ndiye mukuru. Jesu akanzi ashandure matombo ave chingwa, asi akaramba kwete nekuti aisagona kuzviita, asi nekuti hatiterere Satani, asi Mwari.

Mwari vane mitambo yavo, isiri yekudyisa vanhu tsvina nekuvati vatende zvinhu zvose zvose. Bhaibheri rinoti, “Zvino Jehovha akataura naMoses, akati: Taura nevana vaIsraeri uti kwavari; mitambo yakatarwa naJehovha, yamunofanira kuparidzira muchiti ndidzo ungano tsvene, ndiyo mitambo yangu yakatarwa.”

Nemazwi aya, Mwari vakatanga mitambo yegore negore. Mitambo iyi ichiri kutevedzwa nevaJudha munzvimbo dzakasiyana-siyana dzavanogara pasi rose. Kana muno muZimbabwe, varipo vanonamata vachitevedza mitambo iyi.

Mumutauro wechiHebheru izwi rinoreva zvakafanana nekuti “mitambo yangu” rinogona kunyorwa seizvi – mo-a-dim. Izwi iri kana richiturikirwa ringanzi rinoreva kuti “nguva dzakatarwa,” kana kuti “mitambo yakatarwa.” Kana pave kutaurwa zvekutarwa, pari kuratidza kukoshesa kwaiita Mwari mazuva aya.

Nguva dzakatarwa idzi dzakakosha nekuda kwezvikonzero zvakawanda. Chekutanga, yaive nguva yekumbomisa zvimwe zvinhu zvose munyika yose yevaJudha. Nguva idzi dzinopa masvondo, mwedzi nenguva dzegore dzekuzorora kubva pamabasa nezvimwe zvinhu zvinoitwa mazuva ose.

Mwari semuchengeti waIsraeri akagadzira nguva dzekumbomisa zvimwe zvinhu zvose, achibva ataura kuti pave nenguva yekuzorora, yekufunga nekunamata. Inguva dzinoyera dzinounganidza vanhu vaMwari kwete mukutyisa kwerunako rwetemberi chete, asiwo murunyararo rwedzimba dzose dzevanhu munyika. Pamwe chete, nguva dzakatarwa dzose idzi dzinodzidzisa tsika yekurangarira.

Nguva dzakatarwa dzaMwari idzi dzinopa mhuri yoga yoga, varombo kana vapfumi, nguva yekufunga nezvesimba rinoshamisa nerudo rwaMwari waAbraham, Isaac naJacob.

Zvakakosha kuti isu nhasi uno tinzwisise kuti mitambo iyi inoramba ichidzoka nguva nenguva hainei nechekuita netsika dzevaJudha chete. Nyangwe zvazvo mitambo iyi ichifambirana nemwaka yekurima kunyika yeIsraeri, uye painoitwa pachitaurwa nyaya dzezvehupenyu hwechiJudha nekutanga kwavo, mitambo yaMwari inopa nhoroondo inobata mhuri dzose pasi rose.

Kana tikatarisa mitambo iyi mumwe nemumwe wayo, kana kuti yose pamwe chete, mitambo iyi inotaura zvinhu zvakadzama pamusoro pezvakaitwa, zviri kuitwa pamwe chete nezvichazoitwa naMesiya anova mudzi wehupenyu, netariro nerunyararo kuvanhu vose pasi rose.

Asi zvekuzoti vanhu vadye nyoka, makonzo nehuswa nekuti ndizvo zvataurwa nemuporofita hazvina kutarwa naMwari. Kana nguva dzakatarwa naMwari dziri dzekurangarira zvavakaita, hukuru hwavo, runako rwavo nehurongwa hwavo pamusoro penyika nevanhu vavo, imi zvibvunzeiwo kuti zvamuri kuita muchidyiswa nyoka, huswa, makonzo nevhudzi zvinei naMwari.

Kana maporofita achitaura nezvemari kudarika Mwari, zvibvunzei kuti zvichiri zvaMwari here.

Mwari vanochengetedza nyaya yeruponeso nehutsvene kubva kumarudzi akare kusvika kumarudzi achauya vachishandisa bhuku rinovhura maziso evanhu. Havazviite nekuda kwabhishopu kana kwemuporofita ane mashura anoshura zvekuti homwe dzenyu dzinozara nemari yamusina kushandira.

l Mamwe mashoko ari muchinyorwa chino akatorwa kubva kuOur Daily Bread Ministries.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>