Ndakangodiwawo, handina kuziva achazorambwa

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA: naIgnatius Mabasa

TAKAONA tsvina yakanga ichipakurwa tikatora ndiro kuti tipakurirwewo. Takatambudzika mumwoyo yedu kuti tiwane mugove wetsvina iyoyo. Takazvitora maSelfie tiri pamabhodho etsvina, tikaisa pamaStatus edu.

Tsvina yakanga yakatsvukirira senyama yehuku, asi tichinyatsoona kuti itsvina. Asi takazoti tapakurirwa, tatsvaga pekugara kuti tidye, ndipo patakarohwa nehana mushure mekunge taruma tikaona nhunzi dzichiuya, tichibva tanzwa kunhuhwa kunorutsisa.

Asi vaye vakatipakurira vakati zvakanga zvisingaite kuti titi hatichada nekuti ivo vakanga vatopakura, uye vakati hapana anoda kudya zvambodyiwa nemumwe.

Ndakamuka kuhope ndichiridza tsamwa, ndikaenda kunogeza mukanwa mangu nechigodo chesipo.

Tinotora ndiro toenda kunopakuriwa tsvina, asi kana tikaudzwa nevanoziva kuti chatiri kuda kupakurirwa itsvina, tinogona kutoita hasha neruvengo tichituka vari kutiyambira. Zvakarewo, unogona kutora ndiro yekuti upakurirwe tsvina uchifunga kuti kana wazozviziva kuti itsvina unobva wamuka kubva kuhope, asi uchaona kuti zvimwe zvinhu hazvisi firimu.

Mumwe murume wechidiki akadyawo tsvina iyoyi. Akatsanangura nyaya yake kumukadzi wechikuru akanga akasunga dhuku jena achiti, “Asika inini ndakangodiwawo. Handina kuziva kuti Sharon achazorambwa nemurume wake.”

Mukadzi uye akabva ati, “Aaa, zvino zvawakanga usina kufunga kuti zvichaitika zvaitika. Sharon arambwa nekuda kwako, zvakare ari kuti iwewe umutore semukadzi wako wechipiri nekuti haasisina kwekuenda.”

“Hazviite nekuti inini ndine mukadzi wangu nevana kumba?”

“Saka uri kuti iwewe haufanire kukanganiswa pamagariro ako nemukadzi wako nevana vako, asi Sharon ndiye anofanira kurasikirwa?”

“Handizive, asi hazviite kuti ndimutore.”

“Hauchamuda here?”

“Ndakanga ndichimuda zvekungotamba tese, asi kwete zvekuti aite wangu.”

Pane mahwani anenge kupfeka sutu yenyama musango rine mhuka dzine nzara. Tiri kupakurirwa tsvina. Tsvina dzacho dziri kuramba dzichibikwa nemitowo yakasiyana-siyana.

Tsvina yakagochwa, tsvina yakafurayiwa, tsvina iri kutuhwinha mumuto. Chii chiri mukudarika miganhu yausingabvumirwe kudarika?

Kukanda shoko rerudo kumukadzi wemuridzi? Naiyewo mukadzi wemuridzi otoda? Kusafunga zvinogona kuitika nekuda kwekuita zvinhu zvisingabvumirwe chinhu chisingaitwe nevazhinji.

Kana mukadzi wemunhu wawanga uchidanana naye arambwa nemurume wake, iwe wotiwo haukwanise kumutora kuuraya.

Ndine vakadzi vandinoziva vakaitwa zvakadai. Naivowo vakapakurirwa tsvina. Chavakazoona pazvakanga zvaipa ndechekuti murume wavakadanana naye paakangoona kuti vabatwa, akabva atanga kuda mukadzi wake kumba. Nyama haitevedzerwe.

Ndakadzidza kare kuti zvinobatsira kurega kusekedzana zvinosvika pakupakurirana mutupo. Havasi vanhu vese vese vekuudza nyaya dzekumba kwako nekuti kana nebere rinoteererawo nyaya iri kutaurwa nehwayi kuti rione pekupinda napo.

Wakanzwa kuti “usaite upombwe.” Pfungwa dzako kana dzakuvhurira musiwo wepanotangira chiyedza cheninga yeruzivo, ziva kuti usati watomboita nhanho imwechete zvayo yekuti upinde, chamupupuri cherima nemanyepo nekusaziva chinobva chavhara musiwo.

Mapete anobuda kana varidzi vekicheni vaenda kunorara. Kana mapete abuda, anotanga kuita hurukuro achiti, “Takazviwanira nzvimbo yedu yakanaka ine zvese zvekudya zvinonaka.”

Asi mapete haasi muridzi wekicheni.

Panguva yaJesu, vanhu vakaramba Jesu akanga asiri mhondi vachida mhondi.

Chii chamunenge muchiudzana kuti “akapenga,” “haaite,” kana muchiona pono, muchitora varume vevamwe kana vakadzi vevamwe?

Munhu akasikwa nemufananidzo waMwari kuti pave nemutsauko pakati pake nemhuka. Usadanane nemukadzi wemunhu, unouraya zvinhu zvakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey