Nemuroyi anodawo denga

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

KANA muroyi akadonhera pamba pemupositori, hazvireve kuti auya kuzonamatirwa kana kushandirwa. Hongu, kudonhera kwake pamba pemupositori nekudura kwake kuti muroyi adonhedzwa nevamwe vake kubva pabere kana murusero, mukana wekuti azive kuti kudenga kuna Mwari vane simba. Asi kushandira muroyi ndiko kuti chii?

Kana muroyi achinge atizwa nemweya waanoroya nawo, haafanire kushandirwa, asi anofanira kuudzwa chokwadi chaJesu, chinobva mushoko raJehovha, chokwadi chinoponesa.

Svondo rakapera Kwayedza yakaburitsa nyaya yezvemhuri yekuMacheke yakafumoona chembere yaiva iri musvo pachivanze chemusha wayo iyo yaizviti muroyi uye ichiti yakange yadonhedzwa nevamwe vayo pabere ravainge vakatasva mushure mekunge vatadza kuwirirana.

Pasina kundiitira zvakanaka ndepekuti Kwayedza payakasvika pamusha apa, chembere iyi yaiva kumasowe ichishandirwa naMadzibaba Enock. Handina kufara nekusungwa kwakanga kwakaitwa chembere iyi makumbo.

Pamufananidzo wakabuda, chembere iyi yakanga ichiita sekuti yaiswa pamberi pemapositori kuti vanhu vashamisike nekuonerera masimba edenga. Asika, muroyi murwere, uye huroyi haupere nekushandirwa nekuti humwe inotori sarudzo yakatoitwa nemunhu achiziva.

Sekutaura kwaVaClever Munaku vekuMhondoro, “Pachivanhu (muroyi) akabatwa anofanirwa kuendeswa kwamambo onoripiswa.”

Chembere iyi inorarama hupenyu huviri, hwemuroyi anoshandiswa nemweya yekuroya, nehupenyu hwemunhu anodyawo sadza uye anorwadziwa kana akatswinya.

Madzibaba Enock vaifanirwa kuendesa muroyi uyu kwamambo. Vaisafanira kumanikidza chembere iyi kuenda kumasowe kunoshandirwa, nekuti yakanga yakatovhiringika zvikuru nechekare nekuda kwekuyedzerwa.

Uye, madzibaba vanofanira kuziva kuti kubvisa munhu huroyi hakuna kufanana nekuisa ruwoko muhomwe uchiburitsa dhora rawaisamo.

Munhu anoroya haangoshandirwa, asi anoda kuziviswa kuti kuna Jesu akamufira pamuchinjikwa anoda kuti asiye mabasa ekukuvadza vamwe.

Varoyi vanhu vakaita mhiko, uye kana mhiko dzavo vasina kudziramba nekureurura nekuunza mapere nezvavanoshandisa mubasa ravo vachiti havachada kuroya, kushandira muroyi kupedza nguva.

Kubatsira muroyi kunoda kuti vatendi vatange vanzwisisa kuti muroyi wacho akany’ura kusvika papi muhuroyi hwake. Kune varoyi vakaita mhiko dzine ropa revanhu, kune varoyi vakapika mhiko nevamwe varoyi, saka kushandira muroyi musina kutsvaga mudzi wedambudziko, uye iye muridzi wezvinhu zvake asingade, kana kuti asinganzwisise kuti muri kuda kutomusunungura hazvibatsire.

Saka pakubatsira muroyi, tangai manzwa nekunzwisisa dambudziko rake nezvaari kuda. Chembere iyi yaiti “Ndinoda kuenda kumusha kwangu chete. Tangai manotora hanzvadzi yangu Godfrey ndiye anoziva zvandiri chete.”

Ipapa pamashoko iwaya ndipo paifanira kushandwa napo. Varoyi vazhinji vanotoriwo vanhu vane nhamo dzavo. Vamwe vavo vanotadza kuramba huroyi nekuti vanofunga kuti hunovabatsira. Saka chavanoda kutsanangurirwa nekukumbirirwa kuti vazive kuti Jesu Kristu chete ndiye anogadzirisa nyaya dzemweya inovatambudza.

Muroyi ngaaudzwe chokwadi chiri mushoko raMwari. Ngaaziviswe simba nekukunda kwaJesu mweya yetsvina naSatani. Ngaaziviswe kuti vese vanotenda muna Jesu, vanopihwa simba rekuti vave vana vaMwari.

Muroyi ngaadiwe nechechi, kwete kuti imuwokere akasungwa makumbo. Chechi ngaizive kuti haasi muporofita anodonhedza muroyi, asi Mwari.

Chechi ngaivimbe naMwari kuti vaponese vanoroya kusvikira varoyi vave kuvimba naJesu.

Ichokwadi kuti kana nemuroyi anodawo Jesu, anodawo kupinda denga, asi maitiro atichaita kuti asvike pakuziva chokwadi anogona kusamubatsira kubva mukuroya.

Mwari rudo, asi Satani akauya kuzoba nekuparadza chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>