Shamwari, sipo yakakumirira

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

NGUVA zhinji vana vanoenda kunotamba bhora, mahumbwe, dunhu, rakaraka, bottle-game, chihwande-hwande nemimwe mitambo yevechidiki. Kana vakaenda kunotamba, isu vabereki tinovakanganwa vachiita zvinhu zvavo, vachinakidzwa.

Vana pavanozodzoka kubva kunotamba, vanenge vasingaite, vasingatarisike netsvina. Vanenge vasviba kudarika zvigure.

Vanodzoka vaine hembe dzakabvaruka, shena, maparapadzwa, madhaka, mhororodzi, maronda, dikita nemadzihwa. Ukazvitarisa, unogona kuona kuti mamwe madzihwa anenge apukutwa nekuseri kwemaoko zvekuti anosiya tumatama twakanamira madzihwa anopenya kunge pafambwa nehozhwa. Mamwe emadzihwa acho anenge achipenya kuseri kwemaoko ashandiswa pakuputiswa.

Ipapo, kana vachinge vadzoka kunotamba vachiita kunge zvikorobho zvemubhawa, vana vanosvika vachipinda mumba makachena kunge chipatara. Mumba munenge matsvairwa, mukakorobhwa nekushainiswa. Ukatarisa pavanenge vafamba, unoona pachisara pakadhindha tsoka.

Ivo pachezvavo unonzwa vachiunza mumwe mweya wetsvina nedikita mumba. Ipapo ndipo paunoona vana ivavo vachienda kunogeza maoko kuti vatsvage chekudya. Kana vageza maoko, unoona muganhu wepagezwa pachisara pave neruvara rweganda chairo. Kune shena kunenge kuchiita serimwewo ganda, kunge munhu akapfeka magirovhosi.

Kana vachinge vatora chingwa mushure mekugeza maoko, vana ndipo pavanobva vaonekwa naamai vavo. Ipapo ndipo paunonzwa amai vave kupenga vachiti, “Imi vana imi, munoti muri kuenda kupi makacheneruka kunge muti wemupangara kudaro? Kubva masviba kunge marara ari kudurunhuru, kugomba remarara akasangana nedota kudaro! Endai munogeza, kurumidzai kubuda muno munogeza.”

Vana pavanoenda kunogeza, vanowana sipo irimo, yakavamirira kuti ivachenese. Nhamo yesipo ndeyekuti kwese kutsvina kwanga kuchitambira vana vakasara vasviba kunge madhongi anga achiumburuka mudota, sipo yanga isiko. Zvayanga isiko kumahumbwe ikoko, yave kutarisirwa zvino kuti ichenese nekubvisa tsvina yese iri pamuviri warambwa kuti upinde mumba nemubereki. Sipo iri kufanira kuchenesa tsvina yaitwa nevana kwayanga isiri. Sipo haitambire mutsvina, asi pedyo nemvura. Nekuti sipo nemvura zvine hukama hwakadzama. Sipo ine nzvimbo yayo mumba yekugezera. Sipo ine basa rayo rekuchenesa. Sipo haidi kushaikwa panzvimbo yayo nekuti ndiyo inoita kuti kugeza kunyatsonzi kwaita.

Asi dambudziko resipo nderekuti sipo kana yave kuita basa rayo rekuchenesa, haipopote kuti tsvina yawanda kana kuti yanyanyisa. Sipo inoita basa rayo rekuchenesa yakatendeka.

Asi chinonyanya kurwadza ndechekuti sipo painenge yave kugeza ichibvisa tsvina, iyo pachezvayo inenge ichipera. Inenge ichipera zvekuti pakupedzisira inotozosvika pakupera iri pabasa, ichishanda kupedza tsvina kuti ganda ridzokere paro chaipo, kuti munhu achene.

Kana sipo yapera, vanhu vanga vakasviba vanosara vachena uye vachinhuhwirira. Vanenge vave kukwanisa kupfeka hembe dzakachena, vave kukwanisa kupinda mumba, kugara pamasofa nekunorara mumagumbeze pasina kupopoterwa. Tsvina inenge yabviswa payanga yazvigadza hushe.

Mumazuva ano eEaster kana kuti Pasika, takafanana nevana vane tsvina, dikita, shena, madzihwa nemadhaka vanga vachitamba. Zvatiri hazviite. Hatitarisike kana kufadza.

Nekune rimwe divi, Jesu anofanana nesipo yakatimirira kuti abvise tsvina yese iri patiri. Kana atichenesa tinobva takwanisa kugamuchirwa nekubvumirwa kupinda mumba. Kana tapinda mumba, tinobvumirwa kugara pamasofa, tinobvumirwa kupfeka hembe dzakachena nekurara mumagumbeze akachena.

Takanga tine tsvina, asi Jesu akaita sipo yedu. Akapera achiita kuti tichene. Asi hakuna sipo inofamba ichitsvaga vanhu vane tsvina, vanhu vane tsvina ndivo vanoenda kune sipo. Tsvaga sipo shamwari.

Share This:

Sponsored Links