Tikatevedzera zvinoita bedzi

10 Apr, 2020 - 00:04 0 Views

Kwayedza

VANHU vemuZimbabwe vapinda musvondo rechipiri vatanga chirongwa chekugara mudzimba kwemazuva 21 nedonzvo rekuedza kumisa kutapurirana nekupararira kwechirwere chabata nekuuraya vanhu vakawandisa pasi rose – cheCovid-19.

Danho iri rakatorwa neHurumende mushure mekunge yanyatsoongorora ikagutsikana kuti izvi ndizvo zvinonakira munhu wose nekuti zvakananga kuponesa veruzhinji.

Musvondo rekutanga, veruzhinji vakanyatsotevedzera zvisungo zvekugara mudzimba kwemazuva 21 nemazvo. Izvi zvinotendwa!

Ndokusaka mutungamiri wenyika President Mnangagwa — mumashoko avo kunyika — vakatenda vanhu venyika ino nekuzvibata kwavari kuita pakutevedza zvinodiwa.

Muri kuita zvakanaka vanhu vemuZimbabwe!

Hongu kune vamwewo, hameno kuti vanoda kuudzwa neakaita sei, avo vanotyora mirawo iri pamusoro pemazuva 21 aya.

Ivava ndivo vachakanganisira nyika. Nekuti kutadza kwavo kunogona kuita kuti chirwere cheCovid-19 chinetse kumisa kupararira kwacho. Zvoguma zvorwadza nyika yose.

Dzimwe nyika seChina — uko kwakatanga kuonekwa chirwere ichi pakunopera kwegore ra2019 — dzakanyatsotevedzera zvinokurudzirwa nenyanzvi dzezveutano. Nhasi uno vari papi? Vava mucherechedzo wakanaka wekuti coronavirus inogona kukundwa nekuti vanhu veko vakaterera ndokutevedzera zvavainzi vaite kurwisa denda iri.

Zvino isu vemuZimbabwe tozorwadziwa nekutevedzera kwemazuva 21 chete?

Masvondo matatu bedzi asi dzimwe nyika dzichiita mwedzi nemwedzi kusina anofamba?

Ngatingoshingirirai ndiko kuti tikunde. Svondo rinouya totopinda muvhiki rechitatu. Ipapa ndipo pane nyaya!

Vamwe vanenge voda kuita madiro aJojina vachisiya kutevedzera zviri kukurudzirwa neHurumende. Rwendo rwagara rwunorema wave kuda kusvika, saka ngatipangwarirei.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe manga mawanikwa vanhu gumi nemumwe vane Covid-19 – apo vaviri vavo vakatoshaika.

Kutevedzera zviri kukurudzirwa neHurumende nevanoona nezveutano kunobatsira pakuti huwandu uhu husakwire zvakanyanya zvichiita kuti upenyu hwevanhu huchengetedzwe. Zvinoreva kuti iwewe neni — kwete Hurumende bedzi — tine basa guru.

Ngatirambe takazvibata, tigare mudzimba dzedu kwete kufamba-famba, tichikoshesa hutsanana nekugeza maoko nesipo achichena.

Kana wanzwa kupindwa nechando kana dzihwa, chikosoro kana maronda pahuro, kasika kuenda kuchipatara kana kwachiremba.

Covid-19 handi yekuita jee nayo — inouraya. Chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga unochirapa.

Asi zvinoderedza marwadzo kuti munhu ararame zviripo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>