Vanhukadzi votsigirwa

01 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Vanhukadzi votsigirwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rakazvimirira reThe Sister Accord Foundation rine hurongwa hwekutsigira madzimai nevasikana vemuno kuti vatange mabhindauko emaoko uye kupa vadzidzi mabhezari panguva iyo Zimbabwe iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Izvi zvakaziviswa nemutungamiriri wesangano iri, Mai Sonia Jackson Myles vekuUnited States of America, pamusangano wavakaita svondo rapera pamasaisai vachikurukura nezvekukosha kwerudo uye kubatana pakati pevanhukadzi kuti nyika ive nerunyararo uye kugarisana kwakanaka.

Vachitaura pachirongwa ichi, Mai Myles vanoti vane rudo rwukuru rwekutsigira madzimai ari munyika dziri muAfrica, zvikuru panguva ino apo dziri kutambudzwa nedenda reCovid-19.

“Madzimai nevasikana vakakosha zvikuru muupenyu nekudaro kana tikakwanisa kuumba remangwana ravo rakajeka tinenge tichisimudzira nyika nekuti ndivo zvekare vachange vachirayira vana vavo pamwe nekuvaendesa kuzvikoro zvinova zvinoumba remangwana rakejeka. Munguva zhinji, tinoona madzimai akawanda achitambura apo vanenge vachitengesa mumisika kuti mhuri dzirarame saka rudo irworwo rwuri mavari rwunofanira kutsigirwa kuti zviendeke.

“Kuburikidza nechirongwa cheSister Accord Foundation, tine homwe yatiri kuisa mari iyo tichabatsira nayo madzimai kuti vaite mabhindauko akadai sekurima, kusona, kubika nezvimwe zvakakosha muupenyu hwavo,” vanodaro.

Vanovimbisa kuzopa madzimai emuno mari yekutanga mabhindauko anovapa chouviri vachitanga neUS$500 pamunhu kune vanenge vanyorera kuti vawaniswe rutsigiro urwu uye mabhezari kuvadzidzi vanoda kuenderera mberi nedzidzo eUS$500 zvekare.

Thabani Gambiza anova mutepfenyuri wenhau paredhiyo ndiye akasarudzwa kuva Ambassador wechirongwa ichi.

“Madzimai nevanasikana vachabatsirikana zvikuru nechirongwa ichi kana vakachibatisisa nemazvo. Tichatumira mafomu kuti vange vachiapuraya mari idzi kuti vakwanise kutanga kuita mabhindauko avo. Ndizvo zvakagara zviri zviroto zvangu kuti madzimai nevanasikana vatsigirwe.

“Mamwe mafomu tichaapa vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe vanova vatichatanga navo. Chirongwa ichi chakatanga kutambanudza maoko kunyika yeZimbabwe kureva kuti tine rombo rakanaka zvikuru,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>