Varimi rambai muine tariro

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MWAKA weZhizha wakatanga masvondo mashoma adarika apo pakaturuka mvura zvikaona varimi vachiita chipata-pata kumativi ose enyika apo vamwe vairima minda yavo vamwe vachitangisa kudyara mbesa.

 Pari zvino pane dzimwe mbesa dzakaita sechibage nedonje idzo dzakatomera uye kune vamwe vave kutosakura.

 Zvisinei, vamwe varimi vari kuchema-chema zvichitevera kumbomira kunaya kwange kwaita mvura.

 Vamwe vanoti zvirimwa zvavo zvavakadyara zvave kutsva nezuva uye kune vasati vadyara.

 Mukana wekuti varimi vadyare mbesa sechibage uchiripo nekuti nyanzvi dzezvekurima dzinoti kana murimi akadyara mbeu mumasvondo maviri ekutanga kwemwedzi waZvita inongosvika.

 Svondo rino, tine imwe nyaya apo sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Farmers Union, riri kukurudzira kuti vasarase tariro zvichitevera kumbomira kunaya kwemvura.

 Nyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze dzebazi reMeteorological Services Department dzinoti mvura inotarisirwa kunaya mukupera kwesvondo rino uye matunhu akaita seBulawayo yakatotanga kunaya neChitatu.

 Varimi havafanirwe kurasa mbereko nekuda kwekufirwa nekudaro zvakakosha kuti vave netariro mubasa ravo.

 Tinodaro nekuti mwaka weZhizha uchangotanga nekudaro pachiri pedyo kuti zvinyatsozivikanwa kuti uchange wakamira sei maringe nekunaya kwemvura.

 Kune vamwe vanogona kurega kudyara vaine mufungo wekuti mvura yekunaya ichashomeka asi vogozoshamiswa vachiona vamwe vave kukohwa.

 Hurumende itori mushishi kupa varimi zvekushandisa sefeteraiza nembeu yechibage neyedonje nechinangwa chekuvatsigira.

 Danho riri kutorwa neHurumende iri rinorumbidzwa zvikuru sezvo zvekushandisa pakurima izvi zviri kudhura zvakanyanya pakuzvitenga.

 Chisveru chasarira kuvarimi kuti vachishanda nesimba kuitira kuti nyika igowana maguta.

 Zvakakosha kuti varimi vatevedzere kurudziro yavanopihwa nenyanzvi dzezvekurima kuti vadyare mbesa diki pamwe nedzinochimbidza kuibva nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze.

 Kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze uku kunogona kukonzera kuti mvura inaye yakawandisa kana kuti iri shoma.

 Mbesa diki semhunga, zviyo nemapfunde zvinotivirira muzuva zvichiita kuti murimi awane goho rakakura.

 Hazvibatsire kudyara mbesa dzinonoka kuibva sezvo zvinozoita kuti murimi ashaye pundutso mubasa rake.

 Kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, apo mvura inonaya iri shoma, zvinoreva kuti Zimbabwe inofanira kukoshesa nyaya dzekuvandudza nekusimudzira madiridziro.

 Nyika ino ine madhamu akawanda ayo anoda kushandiswa zvizere.

 Harizi basa reHurumende chete rekuvaka nekuvandudza madhamu asi kuti makambani akazvimirira nevanhuwo vanotarisirwa kunge vachibatsira.

 Kunyika dzakadai seIsrael, mvura inonaya iri kushoma zvikuru asi vanoshandisa madiridziro vachitokohwa nekukwanisa kutengesa kune dzimwe nyika.

 Iye zvino haisisiri nguva yekuramba Zimbabwe ichivimba nemvura yekunaya asi kuti pave kudiwa mamwe mazano ekusimudzira madiridziro kuti nyika ive nemaguta.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>