Varimi shandisai Pfumvudza: ZFU

25 Sep, 2023 - 13:09 0 Views
Varimi shandisai Pfumvudza: ZFU Varimi vachichera makomba ePfumvudza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kukurudzira varimi kushandisa chirongwa chePfumvudza zvizere mukurima senzira yekuti nyika igute uye zvichibatsira pakudzikisa huipi hunouya nekusanduka kwekunze.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezvemamiriro ekunze iyo inoratidza kuti mvura inogona kunaya isina kuwanda mumwaka weZhizha uri kutevera.

Kurudziro iyi yapihwa naVaPaul Zakariya, avo vanova executive director kuZFU, zvichitevera kuswedera kwaita mwaka wekurima.

Vanoti nekuda kwemashoko ari kuburitswa nenyanzvi dzezvemamiriro ekunze anoti mvura inogona kunaya shoma mumwaka uri kutevera, zvakakosha kuti varimi vatevedzere zvose zvinodiwa pasi pechirongwa chePfumvudza sezvo chichibatsira mukuchengetedza hunyoro.

“Sesangano rinomirira varimi, tinoshanda neHurumende muzvirongwa zvayo zvose nemamwe masangano ane chekuita nevarimi. Saka ikurudziro yedu kuti varimi vose vapinde muchirongwa chePfumvudza apo Hurumende yakatotanga kare kupa zvekurimisa zvakaita sembeu nemafetereza kuvarimi,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti nzira dzekurima muchirongwa chePfumvudza hadzinetsi sezvo varimi vachishandisa mapadza pakutimba makomba pasina kunetsekana nekurima muminda nemombe kana nematarakita.

“Munzvimbo dzakasiyana, tiri kuona varimi vazhinji vakatopedza kuchera makomba ePfumvudza uye vamwe vava kutoisa mipfudze nemirakwani mumakomba aya. Huswa nemashanga zvekuzowarika kana vadyara mbesa dzavo vakatounganidza, nenzira idzi varimi vane mikana yakakura yekukohwa pakuru nyika yoguta,” vanodaro.

VaPaul Zakariya

VaZakariya vanotenda Hurumende nechirongwa ichi, icho chavanoti chabvisa nzara muruzhinji munyika muno.

“Varimi ngavasangorima chibage chete muchirongwa chePfumvudza, asi kuti varimewo dzimwe mbesa dzetsanga diki dzakaita semhunga, mapfunde, zviyo, nzungu, nyimo, maringazuva, nyemba nezvimwe zvinokurumidza kusvika,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti varimi vanofanirwawo kushandisa mikana yavari kuwaniswa neHurumende yekuvandudza matanga avo emombe nembudzi.

“Mombe dzakambopera kufa nezvirwere saka Hurumende yakapindira nezvirongwa zvekubatsira varimi mukuvandudza matanga avo,” vanodaro.

Hurumende ine chinangwa chekubatsira varimi vanosvika 3,5 miriyoni pasi pechirongwa chePfumvudza/Intwasa mwaka uri kutevera.

Chirongwa ichi chakatangwa makore mashoma adarika nedonzvo rekurwisa mamiriro ekunze ayo ari kuona mimwe mwaka mvura isinganaye zvakanaka.

Chakananganawo nekuzadzikisa chiono cheHurumende chebudiriro yeupfumi hwenyika cheVision 2030 sezvo kurima kuri iko hwaro hwekusimukira kweZimbabwe.

Chirongwa chePfumvudza chabatsira zvakanyanya kuti nyika iwane maguta.

Nyika dzakawanda dzine chishuwo chekudzidza pamusoro pePfumvudza/Intwasa kubva kuZimbabwe kuitira kuti dzisimudzire goho radzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>