Vezvikoro musadaro

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

VABEREKI vakawanda vari kunyunyuta nedanho rakatorwa nezvimwe zvikoro rekukwidza kwazvakaita mari dzemafizi etemu inotevera.

Kubva svondo rapera, zvimwe zvikoro zvakazivisa kuti zvakwidza mari dzechikoro kutanga temu yekutanga ya2020.

Kukwidza mari hakuna kushata, asi makwidziro acho ndiwo ane nyaya.
Vabereki vari kutsvagira vana vavo nzvimbo neavo vagara vari muzvikoro izvi vari kutonzi vabhadhare mari idzi.

Mari idzi dzakakwidzwa zvakanyanyisa zvekuti zvimwe zvikoro zvebhodhingi zvava kuda $12 000 patemu imwe chete pamwana.

Zvimwe zvikoro zviri kubhadharisawo nemari yekunze zvisinei nekuti mutemo hautendere maitiro akadai.

Kune zvimwe zvikoro zvakare zviri kumanikidza vabereki kuti vatenge mayunifomu evana vavo pachikoro ayo anenge achidhura zvikuru.

Uku kumbunyikidza kodzero dzevabereki sezvo vanofanirwa kunge vakasununguka kusarudza kwavanoda kutenga yunifomu dzevana vavo zvichienderana nehomwe dzavo.

Kukwidzwa kwemari dzemafizi, mayunifomu nezvimwe zvinodiwa kuchikoro kuri kuita kuti vabereki vanyanye kuomerwa.

Mari inotambirwa nevashandi vakawanda haizi kuwedzerwa zvisinei nekuti zvinhu, kusanganisira zvekudya, zviri kuramba zvichingokwira mitengo.

Semuenzaniso, mushandi anohora $1 000 pamwedzi achada kubvisa mari yekudya kwemhuri, yekufambisa pakuenda kubasa, kubhadhara rendi pamwe chete neyekuendesa vana kuchikoro.

Zviri pachena kuti mamiriro ezvinhu akadai haana kunaka.
Ibasa reHurumende rekupindira kugadzirisa zvinhu kana zvichinge zvadai. Pasi pemutemo, zvikoro zveHurumende nemaTrust Schools hazvitenderwe kungokwidza mari pasina mvumo yavapihwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

Pane matanho anofanirwa kutevedzwa nezvikoro mari idzi dzisati dzakwidzwa.

Sekutaura kwemunyori mukuru mubazi iri, Mai Tumisang Thabela, vanoti kana zvikoro zvichida kukwidza mari, panofanirwa kugarwa musangano nevabereki kuburikidza nesangano reSchool Development Committee. Vabereki vanofanira kuwirirana kuti mari dzokwidzwa here uye kusvika pamari.

Chisungo chinenge chaitwa nesangano reSDC pamwe chete nevabereki chinozosvitswa kubazi rezvedzidzo kuburikidza nekurinyorera zvinenge zvabvumiranwa.

Bazi redzidzo ndiro rine simba rekupasisa kana kuramba kuti mari ikwidzwe.

Zvakakosha kuti vabereki vange vaine ruzivo rwematanho anofanirwa kutorwa kana zvikoro zvichida kuwedzera mari.

Tinodaro nekuti kune vamwe vakuru vezvikoro vanogona kufurirana neveSDC vokwidza mari pasina ruzivo rwevabereki.

Dzidzo ikodzero yemwana wose asi kune vamwe vanogona kupedzisira vave kutadza kuenda kuchikoro nekuda kwekudhura kwemari dzechikoro.

Zimbabwe inozivikanwa pasi rose nekuva nevanhu vakadzidza avo vanogona kuverenga nekunyora.

Zvino budiriro iyi inogona kudzokera kumashure kana zvikoro zvikaregererwa zvichikwidza mari pamadiro.

Hongu, zvinhu zvakadai sezvekudya nezvekushandisa muzvikoro zviri kukwira mitengo asi handizvo zvingaita kuti mwana abhadharirwe $12 000 patemu imwe chete – $36 000 pagore.

Kana mwana weFomu 1 ave kubhadhariswa $12 000 petemu, ko anodzidza kuyunivhesiti anozodiwa marii?

Zvinozivikanwa kuti ibasa remubereki kuona kuti aita zvose zvinodiwa kuti mwana wake awane dzidzo yakakwana. Nekuti mwana wacho ndewake! Asi uyu hausi mukana wekuti zvikoro zvikame vabereki nekuvabhadharisa mazimari akawandisa panguva iyo vazhinji vakaomerwa.

Zvikoro regai kudaro!

Share This:

Sponsored Links