Zvinobata hazvingoerekana zvakuti dzvi

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

WAFAMBA mbiri Peshi, asi wafamba mbiri yakadhakwa semadhadha ari kufamba mumadhaka. Peshi ndiwe uri kutrenda paSocial Media nekuti vanhu vari kukutaura. Wakabuda muSocial Media uchinzi wakaenda kuzvidzidzo usina kupfeka, asi iwe uri payunivhesiti panofanira kuratidza vanhu kuti uri munhu ane ruzivo rwepamusoro.

Saka chii chaunoziva? Vamwe vari kuti tikusiye wakadaro nekuti isarudzo yako kupfeka zvaunoda. Asi vamwewo vari kuti uri kungotsvaga mbiri kuti utaurwe nevanhu, asi iwe uri buri rinobvinza richidzima moto.
Vamwe vari kuti wakasiiwa namai vako vachienda kuUK uine makore 5.

Hanzi wakasara uchichengetwa namaiguru vanotumirwa mari namai vako. Zvanzi maiguru havakutsiure nekuti kana vakatsamwisa amai vako, bhegi hariuye kubva kuUK.

Aya anogona kunge angovewo manyepo nenyaya dzinofamba paSocial Media.
Ufunge Peshi, ndinonzwira tsitsi vanhu vanopenga nekuti havazive kuti vari kupenga. Variko vanhu vanopenga zvekuti nyangwe kunze kukatonhora havatsvage hembe, vachidya zvakaraswa nekusaziva kuti kumba ndekupi.

Asika, kune vamwe vanhu pakati pedu vanoita sevanopenga asi ivo vasingapenge. Chavanoitira sevanopenga asi ivo vasingapenge rinenge ratove rimwewo dambudziko rinoda kuti vabatsirwe. Newe Peshi uri muboka revanopenga asi vasingapenge.

Hausi wega Peshi, asi dambudziko nderekuti iwe wacho hausi kuzviona kuti hausi wega. Handizive kuti vamwe vauinavo ndivanaani, asi ndinoziva kuti havafanire kunge vari mauri.

Peshi, handizive kuti uri kusiya vanhu vari mauri vachikuitisa zvavanokuitisa nemhaka yei? Ndinotya kuti dai taikwanisa kuvhura kuti tione zviri mauri, taiona zviri zvinhu zvinotyisa.

Peshi, kupfeka hembe kune basa rekuvhara muviri, saka rega kungofamba uri guri rakatonongorwa chibage. Mbiri haitsvagwe kunge uri kuturunura mango iri pamusoro-soro pemuti asi iyo ichiramba kudonha. Newewo wacho ari kuturunura unogona kudonha.

Uri kuziva zvauri kuita here Peshi? Uri kushandisa njere dzako kufunga here? Funga Peshi kwete kufuguka nekufumuka. Handidi kuti kana waita gwedebe uzotiudza kuti “Handizive zvakanga zvandibata.”
Zvinobata hazvingoerekana zvakuti dzvi.

Kana uri munhu anofunga, unofanira kupota uchipima mashoko aunotaura kuti mashoko anobatsira vamwe here kana kuparadza. Usati watenga imwe hembe inokuita kuti uonekwe sebenzi, imbotanga wazvibvunza.

Ini ambuya vangu vakanga vane chipo chekuzvibvunza mibvunzo. Vaiita hurukuro nepfungwa dzavo zvekuti waiti ukavawana vachitaura vega ukabvunza vaikuudza kuti, “Ndiri kutaura ndega zvangu.”
Newewo imbotaura wega Peshi, kwete nekuti wave kupenga.

Taura wega usati wapfeka sewakapfekwa. Tanga wazvibvunza kuti ndiri kutaura chii nemupfekero wangu? Tiza zvawave kufungirwa nevanhu kuti uri. Vazhinji vari kuti uri pfambi iri kutsvaga varume.

Ndinoda kufunga kuti wafunga uye ukadzidza. Ndinoda kukuudza kuti dai Jesu ari paSocial Media aikuudza kuti, “Peshi, unonetseka nekuzvitambudza nezvinhu zvakawanda, asi chinhu chimwe chete chinodiwa kuti uteerere Shoko raMwari.”

Dai Jesu aikuona wakashama kudaro, ndine chokwadi chekuti akanga asingazokutuka kana kukushoropodza. Achikuona usina kupfeka kudaro, Jesu aikunzwira tsitsi kuti “hauzive zvauri kuita” kana zvauri kuzviitira.
Jesu aizokuudza kuti, “Mwanasikana wangu ndinokuregerera pamapfekero ako nekuti ndinokuda.

Chienda unopfeka zvakanaka, asi kana wapfeka zvakanaka, usazodzokorora zvakare kupfeka semuguri wechibage wafururwa.

Share This:

Sponsored Links