Zvinodhaka vana zviri kubvepi?

03 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Zvinodhaka vana zviri kubvepi?

Kwayedza

TIRI kukombera nhaurwa yatakavarura svondo rapfuura, nyaya yekuti vana vechikoro vari kunwa nokutora zvinodhaka vabatsirwe kusanganisira nevabereki, vadzidzisi, makereke, Hurumende, masangano anopa mazano nezvipatara.

Vanoramba kuti vamwe vana vari kuzviita pazvikoro pavari kudzidza, kudzimba kana munharaunda dzavanogara, mheno kuti vari kugara nyika ipi. Uyewo, vari kutora zvinodhaka izvi vari kutangira pamazera madiki zvikuru.

Kuwanikwa kwezvinodhaka izvi kunoda mari. Vana vari kuwanepi mari yokutenga zvinodhaka? Vari kupihwa nevabereki here? Vari kupihwa neshamwari here kana kuti vari kuba mari dzevabereki kuti varere dambudziko iri?

Handifungi kuti pane mubereki angape mwana waari kutamburira kuendesa kuchikoro mari yokuti atenge hwahwa nezvimwe zvinodhaka.

Uyewo hapana mubereki akakwana angape mwana kodzero dzakakura kudaro dzokuti asiye zvemabhuku, onopedzera nguva nesimba muzvinodhaka, kunyanya iye zvino vana vachiita dzokororo yezvidzidzo nekugadzirira bvunzo dzinouya mumwedzi waMbudzi naZvita. Anenge ari mubereki akaita sei angati mwana ave kuda kuyambuka, obva amusiya achinyura?

Zvimwe zvakabva mutsvagurudzo ndezvokuti vana ava vari kushandisa mari dzavanenge vapihwa nevabereki kuti vadye vari kuchikoro, mari dze”pocket money”.

Vamwe vavo vari kunzi vanokwezvwawo neshamwari dzinowana mari nyore-nyore vopinda mazviri vachinzi ndizvo chaizvo, vasingazivi kuti kutsvaga kuparara nehurombe.

Kwouyawo vamwe vari kunzi vanopedzisira vave kubira vabereki kana kubira vanhuwo zvavo kuti vatenge zvinodhaka.

Matambudziko acho igumi nefararira, asi Dr Ignatius Chombo vakazvitaura kuti tose tizive kuti vana vapanduka, uyewo kuti vatove kuda rubatsiro rukuru kubva kuvanhu vakasiyana-siyana, nokuti vave kuti rimwe gumbo riri muupenyu hwamadhaka, rimwe mugomba rorufu.

Tichipedzisa zvatafunga kuonesana svondo rino, tichatarisa kuti zvii zvaita kuti vana vapanduke kudai. Zvinodhaka zvacho vanozviwana sei kana mitemo ichirambidza kutengesera vechidiki kana fodya chaiyo?

Zvizhinji zvavari kutora hazvigadzirwe muZimbabwe, saka zviri kubva kupi uyewo zviri kupinda munyika sei nekusvika kwavari sei? Vanochengetedza mitemo havasi kuzviona here? Ropedzwa sei kana nei dambudziko iri iko kurova vana kwave kunzi kutyora kodzero dzavo?

Mune mumwe musha unogara ruzhinji muHarare zvinonzi pane pamba pave kutonzi pa”Laboratory”, nokuti panotambwa yose yose yokupinza zvinodhaka kune vana vechidiki: kubva kune mishonga yechikosoro seBronco kana Histalix, hwahwa hunenge kachasu – Krango kana Zed; mapiritsi anodhaka; glue ravanofunhidza; cocaine; LSD nezvimwe zviri kuuya nenzira zhinji dzavari kuona paInternet.

Vanhu vari kutsvaga mari ava nenzira yakadai, asi zvirwere nematambudziko ari kuramba achiwanda kusanganisira rufu.

Ukaenda kumakuva ndiko kwaunoona kuti vangani vechidiki vari kuenda kwamupfiganebwe. Havasi vose vari kufa nezvirwere zvinenge mukondombera, asi kuti vazhinji vacho vari kupedzwa nezvinodhaka.

Asiwo, kana munharaunda muchiita nzvimbo dzinozivikanwa nevagari kuti dziri kutengesa zvinodhaka, vamwe vechidiki vachitoshandiswa kunotengesera shamwari dzavo kuzvikoro kana kumafaro kwavave kuenda zvisinei nezera, unobvunza kuti mapurisa anenge akaisa zvitsitsi munzeve here, kana kuti anenge akavhara maziso? Ko inga mapurisa ave kugara muvanhu wani? Sei dambudziko riri kukura panze pokuderera?

Unonzwawo kuti zvaita kuti dambudziko rikure inyaya yehuori. Zvinodhaka zvizhinji zviri kubva kunyika dzakatikomberedza.

Vamwe vanoti zviri kutakurwa nemagonyeti, vanowanawo pavo. Vakasvika panzvimbo dzakaita seBeitbridge kana Chirundu, panenge paine vanhu vavo, zvokuti kana motokari dzavo hadzizosechwa zvakakwana. Kana dzikapenengurwa, vanenge vatoudzwa kuti pakati kuti musabate.

Unozvibvuma nokuti mwedzi mishoma yapfuura pane Bronco yakawanda zvikuru yakazobatirwa muno muHarare yakatakurwa negonyeti. Gonyeti rakapfuura sei pabhodha nepama”road block”?

Zviri kunziwo zvimwe zvinodhaka zvinouya nendege chaidzo. Zvinopfuura sei? Kana zvichinetsa kuonekwa, ngakuiswe michina inovheneka nokuona zvakavanzwa.

Vamwe vari kuti miganhu yenyika nedzimwe nyika dzakatikomberedza yakashama zvachose zvokuti vose vari kuunza zvinhu izvi vari kuziva pose pane zinyeke-nyeke.

Unonzwa kuti kune mitemo inorambidza mazera echidiki kutenga fodya kana hwahwa muzvitoro, asi mitemo iri kutevedzwa here? Ko ivo vanodzika mitemo yacho vari kupiko vana vachiparara?

Kupera kwedambudziko hunge vanhu vose vaisa misoro pamwe chete, vopihwa dzidziso yokuti kurumwa nechokuchera kuuraya nyika, nokuti mangwana ichashandwa nani, uyewo inosimudzirwa nani?

Kodzero dzakanaka, asi dzikawandisa dzinosvitsa kuna taisireva.

Tokusiyai muchizeya iyi!

Share This:

Sponsored Links