ZVIRI MUGAPU: Kugadzira salad nebeetroot

04 Jan, 2023 - 13:01 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Kugadzira salad nebeetroot Beetroot

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SALAD yakagadzirwa neBeetroot kudya kunosimudzira utano hwevanhu nekuti kazhinji inogadzirwa nemichero kana mashizha emiriwo zvinoita kuti tiwane Vitamin A neC, pakati pezvimwe.

Svondo rino Simon Peter Ruzvidzo ari kuSouth Africa, uyo anova muverengi mukuru weKwayedza, anotsanangudza mamwe magadzirirwo esalad iyi.

Zvinodiwa:

Madzinde mana eBeetroot, chidimbu chehanyanisi diki yakanyatsochekwa chekwa, garlic hombe yakachekwa chekwa, zvipunu zvitatu zveshuga, 45 ml olive oil kana mafuta ekubikisa muriwo, 90 ml white grape viniga kana imwewo viniga chena, chipunu chimwe chete cheblack pepper, makerotsi, kabichi nebhinzi dzemugaba.

Salad yeBeetroot

Magadzirirwo:

Tora beetroot nemakerotsi wozvigeza.

Bvisa makanda ekunze wochekerera muzvidimbu kana kushandisa grater.

Fashaidza beetroot kusvika yaibva wobvisa mvura yakatsvuka worasa.

Chekerera makerotsi negrater wozvisanganisa zvese mupoto mune bhinzi.

Kanda mafuta mashoma zviibvirane.

Isa zvese izvi mukadhishi womwaya shuga nechipunu cheblack pepper

Kwidibira nemuvharo uise mufiriji kuti zvitonhorere kwemaminitsi gumi.

Kana zvadai, chidya nemhuri kana shamwari.

Salad inoiswa parutivi pechikafu uye haingodyiwi yakazvimiririra nekuti haigutse.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 773 394 753 kana kuti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>