ZVIRI MUGAPU: Mufushwa wemunyemba une dovi

08 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Mufushwa wemunyemba une dovi Muriwo wemunyemba une dovi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

USAVI hwemufushwa wemunyemba kudya kunovaka muviri uko pasichigare kwaiita kuti vanhu vagare vakagwinya uye vasingabatwe nezvirwere zvose-zvose uye vachirarama kwenguva refu.
Tinowana iron, vitamin D neC kubva mumushwa wemunyemba.
Svondo rino VaJames Tinarwo vekwaZvimba vanotitsanangurira mamwe mabikirwo emufushwa wemunyemba.

Zvinodiwa:
Mufushwa wemunyemba, munyu, mafuta, dovi, matomatisi nehanyanisi.

Mabikirwo:
Pane matanho mana anotorwa pakubika mufushwa wemunyemba.
Chekutanga, fashaidza munyemba nemvura ine soda kuti upfave.
Chigeza munyemba uyu nemvura inodziya.
Chiisa muchikari chine mafuta mashoma.
Chekerera matomatisi nehanyanisi wokanda munyu wakaringana nemvura.
Siya zvikwate kweawa rose kana kudarika uchiwedzera mvura kusvika waibva.
Chitora dovi ukurungire kusvika zvasangana.
Vhara poto wodzikisa moto, siya zvishinyire kwemaminitsi maviri wobura zvako.
Usavi uhu hunodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281 kana kuti +263 773394753

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>